Accessibility links

Breaking News

ZIMTA Yokurudzira Mikana Yakaenzana kuNhengo Dzese


Varairidzi vechidzimai vanoti vanodawo kuve muzvinzvimbo sezvine vanhurume musangano reZIMTA
Varairidzi vechidzimai vanoti vanodawo kuve muzvinzvimbo sezvine vanhurume musangano reZIMTA
Musangano mukuru wechimakore makumi matatu nematatu werimwe sangano revarairidzi, reZimbabwe Teachers Association, ZIMTA, wapinda muzuva repiri dzimwe nhengo dzichikurudzira kuti madzimai anove nhengo dzesangano iri, apiwewo mikana yakaenzana neyevanhurume.

Mukuru weZIMTA, VaSifiso Ndlovu, vanoti madzimai asimudza nyaya yakakosha uye imwe yenyaya dziri kukurukurwa. VaNdlovu vanoti zvisungo zvemusangano wavo zvichaburitswa nemusi weChitatu.

Musangano uyu uri kuitwa pasi pedingindira rinoti “Quality Teachers, Quality Tools, Quality Environment; A Must For All Public Schools”.

Dingindira iri rinokurudzira kuti pave nevarairidzi vane hunyanzvi, zvekushandisa zvine hunyanzvi uye pekushandira pane hunyanzvi muzvikoro zvese zveveruzhinji.

Musangano uyu wakatanga neMuvhuro uchipindwa nevanhu vanodarika mazana maviri kubva kubandiko rezvedzidzo, vemasangano evashandi vanobva munyika dzakapoteredza nevamwe vezvemabhizimusi.

Gurukota rezvedzidzo, VaLazarus Dokora, pamwe nenyanzvi mune zvedzidzo, Muzvinafundo Levy Nyagura, vari kutarisirwa kutaurawo pamusangano uyu usati wavharwa neChitatu.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG