Accessibility links

Breaking News

MDC Renewal Team Inodoma Amai Holland seMutungamiri


Amai Sekai Holland
Amai Sekai Holland

MDC Renewal Team yakadoma Amai Sekai Holland kuti vamboitungamira kwemwedzi mitanhatu kusvika muna Kurume wegore rinouya apo MDC Renewal Team ichaita kongiresi yayo.

Kongiresi iyi ndiyo ichasarudza vatungamiri vayo vatsva zvichitevera kupatsanuka kwakaitika bato reMDC-T gore rino.

Vachitaura nezvekutambira kwavo chigaro ichi, Amai Holland vanoti vatambira nemufaro ruremekedzo rwavapihwa nekudomwa kwavo, sezvo urwu rwusiri ruremekedzo rwavo chete, asi kuti rwemadzimai echikuru ose munyika nemu Africa.

Mugwaro ravaburitsa mukutambira kwavo chigaro ichi, Amai Holland vanotiwo chikuru chakavanetesa sevamwe vevakaumba bato reMDC, inyaya yekugarovandudzwa kwebumbiro rebato kuitira kuti rifambirane nezvinodiwa nemutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai.

Amai Holland vanoti bumbiro iri rakavandudzwa zvakare muna 2006 richiwedzera nguva inogarwa nemutungamiri webato pachigaro.

Vanotiwo MDC-T iri kuda kuvandudza zvakare bumbiro rayo pakongiresi ichaitwa mwedzi unouya richipa zvakare mamwe masimba kumutungamiri waro.

Amai Holland vanotiwo hapana matanho ari kutorwa mukupedza zvachose mhirizhonga inonzi inenge ichibva kuhofisi yemutungamiri webato.

Zvimwe zvavanopomera kuhutungamiri hwaVatsvangirai inyaya yekusaremekedza madzimai, vachipa semuenzaniso kongiresi yemadzimai yakaitwa muna 2006 kuFast Climbers Restaurant.

Amai Holland, avo vakava munyori wekutanga wezvekudyidzana nedzimwe nyika muMDC, vanoti havana kufara nekudzingwa kwakaitwa VaElias Mudzuri muhurumende naVaTsvangirai apo MDC yaiva muhurumende yemubatanidzwa.

Vanotiwo VaMudzuri munhu akashanda zvakasimba muna 2008, izvo zvakaita kuti bato iri rikunde Zanu PF musarudzo dzegore iri.

Asi mutauriri wechikwata chaVaTsvangirai, VaDouglas Mwonzora, vanoti chikwata cheRenewal Team chinofanirwa kusiyana netsika yekungonongedza miseve kuna VaTsvangirai, chichisiya VaMugabe nebato ravo reZanu PF rauraya nyika.

VaMwonzora vanotiwo bato ravo rinoremekedza zvakanyanya madzimai, saka riine mutevedzeri wemutungamiri webato wechidzimai.

Hurukuro naAmai Sekai Holland
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG