Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vokurudzura Vatsigiri Vavo Kuratidzira Zvakasimba Gore Rinouya


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai

Mutungamiri we MDC, Va Morgan Tsvangirai, vanoti vari pakati pekutaura nenhengo dzebato ravo vachidzikurudzira kuti dziratidzire pakutanga kwegore rinouya pamusana nekusamira zvakanaka kwaita zvinhu munyika.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutauriri waVa Tsvangirai, Va Luke Tamborinyoka, vanoti veruzhinji vari kunhonga svosve nemuromo zvichikonzerwa nekutadza kutungamira zvakanaka kwavati kuri kuitwa nehurumende yaVa Robert Mugabe pamwe nebato ravo re Zanu PF.

Va Tsvangirai vati veruzhinji munyika vachatadza kupemberera zororo rekisimusi sezvo zvinhu zvakawomera veruzhinji munyika.

Vati munhu wese wemuZimbabwe ava kuita basa rekutsvaga chinhu chekutengesera mumwe munhu. Vati veruzhinji havana mari, mudzimba hadzina chikafu kunyange hazvo zvitoro zvizere nechikafu.

Vati vari muh urumende, mushure mekubiridzira sarudzo gore rapera, vakavimbisa kuwanira vanhu mabasa vanodarika mamiriyoni maviri. Vati chikwadi chiripo ndechekuti hapana mabasa aripo sezvo makambani ari kuvharwa.

Vayeuchidza veruzhinji zvavakataura musi wa 24 Ndira mukutanga kwegore rino, zvekuti remangwana renyika harina kujeka kana vana veZimbabwe vakatadza kugadzirisa dambudziko riri munyika.

Vati dambudziko iri riri kukonzerwa nehurumende isina rutsigiro rwevanhu, uye izvi zviri kuwedzerwa nemutungamiri wenyika akwegura ari pamupata wemakakatanwa ari mubato rake.

Vatiwo Zimbabwe iri kukundikana kubhadhara mari inodiwa kuti irambe iri nhengo yeAfrican Union ne SADC. VaTsvangirai vatiwo bato ravo rakabuda nechisungo chekuti harisi kuzopinda musarudzo kana zvinhu munyaya dzemitemo yesarudzo zvakasagadziriswa. Vati kongiresi yavo yakabvuma kuti bato rakakanganisa kupinda musarudzo dzegore rapera.

VaTsvangirai vashuvira vana veZimbabwe zororo rekisimusi rakanaka.

XS
SM
MD
LG