Accessibility links

Breaking News

ZDI: Veruzhinji Havazive Zviri muZimAsst


Zimbabwe Democracy Institute
Zimbabwe Democracy Institute

Zvakabuda mutsvakurudzo ichangobva kuitwa nesangano reZimbabwe Democracy Institute, ZDI, pamusoro pechirongwa chehupfumi chehurumende cheZimbabwe Agenda for Sustainable Socio-Economic Transformation, ZimAsset, mudunhu reMashonaland West zvinoratidza kuti veruzhinji munzvimbo iyi havana chavanoziva nezvechirongwa ichi.

Zvakabuda muongororo iyi zviri mugwaro rakanzi Knowledge, Attitudes and Perceptions Towards the Zim Asset Policy in Mashonaland West Province. ZDI inoti pavanhu vakabvunzurudzwa, mazana mana nemakumi manomwe nevaviri vakati hapana kana chavanoziva nezveZimAsset.

Ukuwo mazana matatu nemakumi masere nevana vakati vanoziva ZimAsset, vainge vasina ruzivo rwakadzama pamusoro pechirongwa ichi.

Vazhinji vevakati vanoziva ZimAsset varume kana zvichienzaniswa nevakadzi uye vazhinji vevanoziva nezveZimAsset vari mumadhorobha.

Chikamu chimwe kubva muzana chevanhu vanoziva ZimAsset ndicho chakaverenga gwaro iri uye vazhinji vakati vanongonzwa nezvayo mumarhediyo nepamisangano yeZanu PF.

Mukuru weZDI, VaPedzisai Ruhanya, vanoti ti tsvakurudzo yavo inoburitsa pachena kuti veruzhinji muMash West havana tariro yekuti pane chichabuda paZimAsset.

Zvikamu makumi manomwe kubva muzana zvevakabvunzurudzwa kubva munharaunda dzese nemadhorobha ari mudunhu iri zvinoti kuti ZimAsset ibudirire, hurumende inofanira kurwisa huwori, vamwe vakati hurumende inofanira kusandura mashandiro ayo, vamwewo vakati zvirango zvehupfumi zvakatemerwa nyika zvinofanira kubvisa.

Zvikamu gumi nezvisere kubva muzana zvakati sangano reSouthern African Development Community rinofanira kutombobata matomu muZimbabwe kudzamara zvinhu zvanaka munyaya dzehupfumi muZimbabwe.

Chirongwa cheZimAsset ndechemakore mashanu, uye chinoda mabhiriyoni makumi maviri nemasere emadhora kuti chibudirire. Asi Zimbabwe haina mari iyi.

VaRuhanya vanoti zvichitevera zvakabuda muongororo yavo yakwaitwa mwedzi mitatu yapfuura, vari kukurudzira hurumende kuti ipinze veruzhinji apo inenge ichironga zvirongwa zvehupfumi nezvimwe zvinosimudzira nyika.

Mune imwewo nyaya, pane kunyunyuta kukuru pachikoro chepamusoro cheUniversity of Zimbabwe mushure mekunge chikoro ichi charambidza vadzidzi kutsvodana kana kumbundikirana paruzhinji pachikoro ichi.

Mumwe mudzidzi wepachikoro ichi, uye ari nhengo sangano revadzidzi pachikoro ichi, VaTinotenda Mhungu, vashora mutemo uyu vachiti unotyora kdzodzero dzavo.

Gwaro remutemo uyu raonekwa neStudio7 rinoti vese vachaonekwa vachitsvodana kana kumbundirana mudzimba nenzvimbo dzese dzepachikoro ichi vachadzingwa.

Hatina kukwanisa kutaura nevakuru vepachikoro ichi kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi asi vadzidzi vati vachapikisa mutemo.

VaMhungu vanoti vazhinji vanoenda kuzvikoro zvepamusoro vanenge vabva zera uye vamwe vavo vanenge vatove nemhuri dzavo.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG