Accessibility links

Breaking News

Caps United Yotarisana neNguva Yakaoma


Caps-United
Caps-United

Chikwata cheCaps United chatarisana nemimwe miyedzo yemari apo mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League iri kusvika mumitambo mitanhatu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Chikwata ichi chine matambudziko makukutu enyaya dzemari zvekuti murairidzi wavo, Mark Harrison, anoti haana chivimbo chekuti maGreen Machine achakwanisa kutamba mitambo yavo iri pedyo apo vatarisana neZPC Kariba muNational Sports Stadium neSvondo.

Harrison anoti chikwata ichi hachina kana sendi zvaro zvekuti zvave kuvaomera kufamba kuenda kumitambo achiti iye pari zvino haasi kuziva kuti chikwata ichi chichakwanisa here kuenda muNational Sports Stadium kunyange muri pedyo.

Vatambi vechikwata ichi vakaramba kutamba mutambo wavo neHow Mine uyezve svondo rapfuura chikwata ichi chakasvika muBulawayo kwasara maawa maviri chete kuti mutambo wavo weIndependence Trophy utange mushure mekunge kwatsvagwa mari yekuisa mafuta kuti bhazi rifambe.

Anopa mari kuchikwata ichi, VaTwine Phiri, vabvuma kuti zvinhu zvakavaomera vachiti ivo kusanduka kwezvehupfumi munyika kwavaisa panguva yakaoma.

Asi VaPhiri vanoti kunyange hazvo zvinhu zvakaoma kudai, vari kuedza nepavanogona napo kuti chikwata ichi chikwanise kutamba mitambo yacho kusanganisira weZPC Kariba nesvondo.

Asi VaPhiri vabuda pachena kuti vari kutengesa chikwata ichi kana pane anenge achichida.

Caps United iri kusangana neZPC Kariba panguva iyo veKaturuturu vakatsamwa zvikuru mushure mekurohwa 2-1 neChapungu mumutambo wakatambwa pakati pesvondo.

Kunyange hazvo nyaya yekutambura kweCaps United iriiyo iri pamuromo peveruzhinji, Dynamos ine dambudzikowo guru, kwete rwemari, asi munhandare, apo iri kusangana neHarare City muRufaro Stadium neMugovera.

Mutambo uyu uri kutyisa vatsigiri veDembare zvikuru nekuti chikwata cheHarare City chakavadherera uyezve chakabuditsa mazimari mazhinji kutenga vatambi panguva yezororo vanosanganisira Themba Ndlovu uyo aive kuDembare.

Mutambo uyu uri kuuya panguva iyo Harare City iri kubvira moto mushure mekudambura FC Platinum pakati pesvondo.

Asi vatsigiri veDynamos vanosanganisira VaMusavengana Gwaunza havasi kutarisa zvese izvi hachiti ivo Dembare iri kuenderera mberi nepayakasiira apo yakarova Flame Lilly 1-0 masvondo maviri apfuura.

Dynamos neTriangle ndizvo zvikwata zviviri zvisati zvakundwa kubvira makundano ePremier Soccer League atanga.

Asi maSugar Sugar Boys ari kuratidza kuti ane mutambo wakareruka svondo rino.

Triangle yakananga kumusha weMabvuku neTafara apo iri kusangana nechikwata chiri kutambura cheFlame Lilly icho vari kutarisirwa kukunda kuti varambe vari pamusoro pemakundano ezvikwata gumi nezvitanhatu aya.

Zvikwata zveHow Mine neChicken Inn zviri kusangana muLuveve Stadium mukuratidzana masimba sezvo zvikwata zviviri izvi zvichibva zvose muBulawayo.

FC Platinum yakananga kuAscot Stadium uko iri kusangana neWhawha Prisons.

Dongo Sawmills iri pamusha neHighlanders, ukuwo Chapungu iri pamusha neHwange.

Tsholotsho Pirates iri kukweshana neBuffaloes muWhite City Stadium.

XS
SM
MD
LG