Accessibility links

Breaking News

Meya Mutoti Voshupika neKutengeswa kweMasitendi muChitungwiza Zviri Kunze kweMutemo


Chitungwiza
Chitungwiza

Knazuru yeChitungwiza inoti haisi kufara nekupambwa kuri kuitwa masitendi mazhinji mudhorobha iri izvo inoti zvine chekuita nezvematongerwo enyika.

Vachitaura nevatori venhau mu Harare, meya weChitungwiza, Va Phillip Mutoti, vati kanzuru yavo haisi kufara nekupambwa kuri kuitwa masitendi munzvimbo yeNyatsime zvine chekuita nezvematongerwo enyika vanhu vopedzisira vavaka dzimba zvisina mvumo yekanzuru yavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Va Mutoti varamba kutaura kuti vezvematongerwo enyika vari kukonzera dambudziko iri ndivanani vachiti vave kutyira hupenyu hwavo nemhuri yavo zvichitevera kurwisana kwakaita vechidiki ve Zanu PF pamwe nevechidiki ve MDC-T masvondo mashoma adarika mumhirizhonga ine chekuita nenyaya dzemasitendi.

Mhirizhonga iyi yakazobatanidzirwa nyaya dzezvematongerwo enyika apo vechidiki veZanu PF vaiti hapana mutsigiri weMDC-T anofanirwa kugara ku Nyatsime.

Va Mutoti vati kunyange hazvo kanzuru yavo yakapa vamwe vanhu masitendi eku Nyatsime mashomanana, vazhinji vari kugara kunzvimbo iyi vari kugara zviri kunze kwemutemo.

Vaenderera mberi vachiti kune huzvu dziri kuramba dzichitengesera vanhu masitendi zvisiri pamutemo vanhu vachidyirwa mari dzavo.

Va Mutoti vatiwo nyaya yenzvimbo ye Nyatsime haisati yanyatsojeka sezvo kanzuru isati yapedzerana nehurumende panyaya yekutorwa kwepurazi iri iro riri kumahombekombe kwedhorobha reChitungwiza.

Va Mutoti vakurudzira veruzhinji muChitungwiza kuti vashande nekanzuru yavo kana vachida masitendi vachiti veruzhinji vanogona kudyirwa mari vakasvinura sematemba.

Zvichakadai, sangano rinomirira vagari mu Chitungwiza, re Chitungwiza Residents Trust, kana kuti Chitrest, rinoti harisi kufara nekupwanywa kwemba yemumwe mugari mu Chitungwiza makare kwakaitwa naVa Mutoti avo vanonzi vari kuda kuvaka imba yavo ipapo.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa mu Chitrest, Va Marvelous Khumalo, vati zvakaitwa naVa Mutoti izvi kushandisa masimba pasipo uye vanoti vave kutora matanho nezvenyaya iyi.

Asi Va Mutoti varamba mashoko aya vachiti haasi echokwadi.

Asi tsvagiridzo yaitwa ne Studio7 yaburitsa pachena kuti imba iyi ndeya Va Sakhelene Mudunge avo vakatenga sitendi iyi iyo iri ku Manyame Park kubva kukanzuru yeChitungwiza muna 2007.

Mushure mekutenga sitendi iyi, vakavaka imba yavo ikapera. Va Mudunge vakatomhan’ara nyaya iyi kukamba yemapurisa yeSt Mary’s muChitungwiza makare.

MDC-T yakambodzinga mamwe makanzura ayo muChitungwiza ichiapomera mhosva dzehuwori hune chekuita nenyaya dzemasitendi nezvimwe zvakadaro.

Va Mutoti vakasarudzwa kuve meya weChitungwiza senhengo ye MDC-T.

XS
SM
MD
LG