Accessibility links

Breaking News

Vagari Voramba Kutambira Chirongwa Chekubhadhara Mvura Vasati Vaishandisa


Harare Residents
Harare Residents

Masangano anomirira vagari vemu Harare abatana nemamwe masangano anomirira vashandi pamwe nevechidiki kuramba hurongwa hwekanzuru ye Harare hwekuti veruzhinji vatange vabhadhara mvura vasati vaishandisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sangano remubatanidzwa wemasangano anomirira vagari vemupurovhinzi yeguta re Harare re Harare Metropolitan Residents Forum, kana kuti Hamref, rabatana nemamwe masangano akaita sesangango revashandi re Zimbabwe Congress of Trade Unions (ZCTU), Zimbabwe Coalition on Debt and Development (Zimcodd), Community Water Alliance pamwe nesangano revechidiki National Youth Organization kuramba hurongwa hwekanzuru ye Harare hwekuda kuisa mamita emvura anoita kuti vagari vatange vabhadhara mvura vasati vaishandisa, kana kuti pre-paid water meters.

Ataura akamirira masangano ese uye vari mutaiuriri we Hamref , Va Marvelous Khumalo, vati havasi kuzofa vakatambira hurongwa hwekanzuru uhwu.

Va Khumalo vati chimwe chiri kuvarwadza ndechekuti kanzuru ye Harare yakangotora danho iri isina kubvunza vagari mafungiro avo panyaya iyi.

Mumwe wemasachigaro eHamref avo vanoshanda zvakare nesangano re Chombined Harare Residents Association, kana kuti CHRA, Va Simabarashe Moyo, vanoti danho riri kuda kutorwa nekanzuru iri richaita kuti vagari vemu Harare vazhinji vagare vasina mvura pakatariswa kuoma kuri kuramba kuchiita zvinhu munyika.

Va Moyo vati ikodzero yevagari kuti vawane mvura yakakwana uye yakachena nguva nenguva vachiti kushayikwa kwemvura kunogona kukonzera kupararira kwezvirwere zvinokonzerwa netsvina zvakaita sekorera..

Va Moyo vati vachatora matanho akawanda kudzamara kanzuru yaregera kuenderera mberi nehurongwa hwekuisa ma pre-paid water meters mudzimba dzevagari.

Meya wedhorobha re Harare, Va Benard Manyenyeni, vaudza Studio 7 parunhare kuti vachiri pakati pekuzeya nyaya iyi nevemasangano anomirira vagari.

Asi mabharani wekanzuru ye Harare, Va Tendai Mahachi, vanoti kanzuru haisi kuzodzokera kumashure nehurongwa uhwu kunyange hazvo musangano wakaitwa nemakanzura e Harare nezuro wakabvumirana kuti chirongwa ichi chimbomiswa.

XS
SM
MD
LG