Accessibility links

Breaking News

Hurungwe West Yotsigira VaMliswa Vakadzingwa muZanu PF


Temba Mliswa
Temba Mliswa

Vagari vekuHurungwe West mudunhu reMashonaland West vanoti havasi kufara nezvakaitwa nebato ravo zvekudzinga mubato vaimbova sachigaro weMashonaland West, VaTemba Mliswa, ivo pasina chavakadza.

Vatsigiri veZanu PF ava vanoti pakadaidzirwa sarudzo ye by election, vanoda kuti VaMliswa vakwikwidze senhengo yakazvimirira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachitaura pamusangano wakaitwa neSvondo, nhengo dzeZanu PF mudunhu iri dzakabuda pachena kuti dzinotsigira kuti VaMliswa vamire senhengo yakazvimirira musarudzo ye by-election ichadaidzirwa zvichitevera kudzingwa kwavakaita mubato masvondo maviri apera.

Sabhuku Modekai Chareya ndivo vakaparura nyaya yekuti VaMliswa vavamiririre vachiti VaMliswa ngavataure pamberi pechitsa chevanhu kuti vanoda here kana kuti kwete kukwikwidza vakazvimirira.

VaMliswa vakabvuma vachiti vanonzwa kuninipiswa zvikuru kuti vanhu vakawanda muHurungwe West vachine chivimbo nehutungamiriri hwavo.

Musangano uyu wakapindwa nemasachigaro evechidiki nemadzimai ematunhu madiki gumi nemasere, madzishe, masadunhu, masabhuku pamwe nevaimbove varwiri verusununguko.

Mumwe wevaimbove varwiri verusununguko vanoda kudanwa nezita rekuti Air Marshall vanoti vanotsigira danho rekuti VaMliswa vakwikwidze vakazvimirira kuitira kuti vapedzise mabasa avakatanga apo vakasarudzwa muna 2013.

Va Air Marshall vanoti hakuna munhu anoita mhirizhonga muHurungwe West sezvo nguva yehondo yakadarika, vakati havazi kuzotambira mhirizhonga mudunhu iri.

VaMliswa vanoti pari zvino havasati vatambira mashoko ekuti havachisiri nhengo yeparamende.

Zanu PF haisati yanyorerawo paramende ichiyizivisa nezvekudzingwa kwaVaMliswa mubato iri.

Musangano wekuHurungwe West wakaitirwa pachikoro chepa Karambazungu, uye waive wekupemberera kugona kwakaita vana vepachikoro ichi mudunhu iri zvichienzaniswa nezvimwe zvikoro zvemumaguta makuru.

Asi wakazopedzisira wava wezvematongerwo enyika vanhu voburitsa kusafara kwavo nezviri kuitika muZanu PF zvichitevera kupinda mune zvematongerwo enyika kwakaitwa nemudzimai wemutungamiri webato, Amai Grace Mugabe.

Vanhu vakawawanda vanosanganisira vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, vakadzingwa muhurumende vachipomerwa mhosva dzinonzi ndedzekunyeba dzekuda kupfuudza VaMugabe.

XS
SM
MD
LG