Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeChitungwiza Yoronga Kumisa Vashandi Basa


Tsvangirai 1
Tsvangirai 1

Kanzuru yeChitungwiza inoti ichamisa vashandi vakawanda basa kubva mwedzi unouya sezvo isiri kukwanisa kuvabhadhara.

Vachitaura pamahofisi eMDC-T kuChitungwiza neChina mushure mekushanyirwa kwakaitwa kanzuru iyi nemutungamiri webato iri VaMorgan Tsvangirai, meya wedhorobha reChitungwiza, VaPhillip Mutoti vati kanzuru yavo ichamanikidzwa kumisa vashandi vakawanda basa sezvo isiri kukwanisa yekuvabhadhara.

VaMutoti vanoti vagari vemuChitungwiza vazhinji havasi kubhadhara mitero kukanzuru zvavekupa kuti kanzuru isakwanirwe nemari yekubhadhara vashandi.

Vati nepamusana pekusakwanirwa nemari, kanzuru yavo iri kutadza kuwanisa vagari mvura mudzimba nguva nenguva uye havasi kukwanisa kugadzira migwagwa yazara makomba nekuti homwe yekanzuru yakabooka.

Vatiwo kanzuru yavo iri kuda mari inoita mamiriyoni mana nezviuru mazana mashanu zvemadhora kuti ikwanise kugadzirisa zvivakwa zvekuchenesa tsvina kana kuti sewage plant.

VaMutoti vati sewage plant iyi, iyo vati ndiyo hombe munyika dzose dziri kuchamhembe kwe Africa, yave nemakore akati kuti izvo zvavakukonzera kuti kanzuru irasire tsvina munzizi dziri pedyo.

Zvichakadai, VaTsvangirai vati vakamboedza kugadzirisa nyaya iyi vachiri muhurumende yemubatanidzwa kubudikidza nekutaura nehurumende ye Japan iyo yakange yabvuma kubatsira asi zvose izvi zvikazongoti mbombombo pakapera hurumende yemutanidzwa.

Zvichakadai, mashoko aburitswa nesangano reChitungwiza Residents Trust anoti kanzuru iri kutadza kuwanisa vagari vemudhorobha iri mvura pamwe nekutadza kugadzira migwagwa pamusana pekuti vakuru-vakuru mukanzuru vari kutambira mari yakawandisa.

VaTsvangirai vakashanyirawo kunogadzirirwa motokari dzekanzuru dzinotakura marara vakaratidza kushushikana nekutadza kuri kuita kanzuru kugadzira motokari idzi.

Vakurudzira kanzuru kuti itsvage mari yekutenga motokari itsva dzekutakura marara pane kuswera vachiburitsa mari yakawanda kugadziria motokari dzakaparara kare.

VaTsvangirai vakashanyirawo vanhu vanotengesera mumigwagwa pamwe nepamisika yepa Jambanja yakavakwa nekanzuru, pavatambirwa nemufaro mukuru nevanhu ava.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG