Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi muNyaya dzezveHupfumi Dzinoti Kuvharwa kweMabhanga Munongodzo Wekuti Zvinhu Hazvina Kumira Zvakanaka.


Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti kuvharwa kwebhanga reAfrAsia neChitatu kunoratidza kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka pakushanda kwemabhanga munyika.

AfrAsia yakavharwa neReserve Bank of Zimbabwe mushure mekunge varidzi varo vatadza kuunganidza mari inosvika mamiriyoni makumi maviri nemashanu yekuti munhu abvumidzwe kutanga bhanga. Mari iyi inotarwa nebhanga guru renyika reRBZ.

Bhanga iri ndereChipiri kuvharwa gore rino zvichitevera kuvharwa kweAllied Bank mwedzi wapfura nedambudziko rekushaya mari zvekare.

Bhanga reAfrAsia raimbozivikanwa nekuti Kingdom Bank richitungamirwa naVaNigel Chanakira.

Mumwedzi yose yapfuura bhanga iri range rave kutatarika zvainge zvopa kuti vanhu vakwanise kungotora makumi maviri emadhora pazuva chete.

Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi VaRejoice Ngwenya vanoti kuvharwa kwemabhanga kunoratidza kuti nyaya yekugadzirisa hupfumi hwenyika uchiri mutoro.

Hurukuro naVaRejoice Ngwenya
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG