Accessibility links

Breaking News

Amnesty International Inoti Zimbabwe Irikuramna Ichityora Kodzero dzeVanhu


Zimbabwe President Robert Mugabe (file photo)
Zimbabwe President Robert Mugabe (file photo)

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu reAmnesty International neChitatu rakaburitsa gwaro remamiriro akaita nyaya dzekodzero dzevanhu pasi rose rikati kodzero dzevanhu dzirikuramba dzichityorwa munyika dzakawanda kusanganisa Zimbabwe.

Gwaro iri rinonzi Amnesty international 2014/15: The State of the Worlds Human Rights.

Sangano iri rinoti hurumende yeZimbabwe iri kuenderera mberi ichityora kodzero dzevanhu nekuvaita kafiramberi uye kudzinga zvisiri pamutemo vanhu vakagara kunzvimbo dzakaita seChingwizi uye kupurazi reManzou kuMazowe iro riri kupihwa mudzimai wemutungamiri wenyika amai Grace Mugabe.

Nyaya yekusaitawo kuti mitemo yose ienderana nebumbiro idzva remitemo inonzi irikupawo kuti kodzero dzevanhu dzityorwe. Sangano iri rati mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe avo vanove sachigaro weAfrican Union neSADC vanofanira kuona kuti kodzero dzevanhu dzachengetedzwa.

Chipangamazano muAmnesty international kuchamhembe kweAfrica VaSimeon Mawanza vanoti zvakakosha kuti Zimbabwe igadzirise zviri kunetsa munyika izvi.

Hurukuro naVaMunyaradzi Paul Mangwana
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaJonathan Moyo kuti tinzwe divi rehurumende. Asi tabata nhengo yePolitburo yeZanu-PF VaMunyaradzi Paul Mangwana avo vanoti mashoko eAmnesty International ndeemugotsi matsuro sezvo iri kunyora ichida kufadza hurumende dzekumawirira. Vanoti hurumende idzi dzakarimirana kumuganhu kubva zvayakatorera minda.

Hurukuro naVaMunyaradzi Paul Mangwana
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi Amnesty International inoti haiwane rutsigiro kuhurumende idzi asi kubva kuvanhuwo zvavo.

XS
SM
MD
LG