Accessibility links

Breaking News

Kuurayiwa kwaMichael Brown muAmerica Kozeyiwawo muZimbabwe


Mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, negurukota ravo rinoona nezvemutemo, VaEric Holder, vanoti vari kushushikana zvikuru nekupfurwa kwemumwe mukomana ane makore gumi nemasere mudhorobha reFurguson, St Louis kuMissouri muAmerica.

Michael Brown akapfuurwa akafa musi wa 9 Nyamavhuvhu, uye munhu mutema achipfuurwa nemupurisa wechichena, Darren Wilson.

Nyaya iyi yakonzera kuti vatema vakawanda nevamwe vachena vabatane mukuratidzira vachiti mapurisa, zvikuru echichena, anyanya kutyora kodzero dzevanhu vatema nekuvapfura pasina mhosva dzavanenge vapara.

VaObama vanoti panofanira kuitwa ongororo yekuona kuti chii chakatora nzvimbo.

Vanotiwo vanhu vanofanira kubvumidzwa kuratidzira mushure mekunge mapurisa nemauto adaidzwa kuzodzivirira mhirizhonga sezvo pange pave kutyirwa kuti mapurisa anogona kukurirwa nevanhu vakawanda vakatsamwa nekuurayiwa kwaBrown.

VaHolder vanotiwo nyaya iri kuFerguson haisi yekungoti pane mutema akapfurwa nemuchena, asi kuti pane kunetsana kwakanyanya pakati pevachena nevatema inova nyaya inoda kuti igadziriswe.

Vamwe vatori venhau vakasungwa nemapurisa munzvimbo iyi apo vaiita basa ravo.

Nyaya yekuFurguson iyi yapawo kuti vanhu vakawanda munyika dzakaita seZimbabwe, China, Iraq nedzimwe dzinonzi dzinotyora kodzero dzevanhu vataure nezvekodzero dzevanhu asi vanotsigira hurumende idzi vakawanda vachinyomba America kuti inoda kuita seinochengetedza kodzero dzevanhu asi ichidzityora.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu richishanda nesangano reHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga, vanoti kupfurwa kwaBrown kunorwadza asi Zimbabwe inofanirawo kuchengetedza kodzero dzevanhu.

Asi sachigaro weResource Exploitation Watch, VaTafadzwa Musarara, vanova nhengo yeZanu-PF, vanoti zviri kuitika muAmerica zvinonyadzisa.

XS
SM
MD
LG