Accessibility links

Breaking News

Vakabviswa kuChingwizi Voziya neNzara kuNuanetsi


Vagari vekuNuanetsi Ranch avo vakabviswa nechisimba nemapurisa kuChingwizi mudunhu reMasvingo vanoti vari kuziya nenzara sezvo hurumende isiri kuvapa chikafu.

Vanhu ava vanoti vari kurara pamhene sezvo vasina kupihwa matende ekushandisa. Matende aya akapihwa vanhu ava nemasangano anopa rubatsiro.

Asi gurukota rinoona nezvedunhu reMasvingo, VaKudakwashe Bhasikiti, vanoti hurumende yakwanisa kubvisa vanhu vose kunzvimbo yeChingwizi ichivaendesa kuNuanetsi Ranch.

Vatiwo vanhu ava vari kufarira nzvimbo itsva iyi. Vanhu vanodarika zviuru zviviri vakabviswa kuTokwe Mukosi mushure memafashamu emvura vachinogariswa pakamba yeChingwizi.

Asi vanhu ava vakazobviswa nechisimba nehurumende mumasvondo mashoma apfuura.

Vanhu vange vachiramba kuenda kunzvimbo itsva iyi vachiti vanoda kutanga vapihwa mari dzavo dzemuripo sezvinodiwa nebumbiro idzva remitemo yenyika iro rinosungira hurumende kuripa vanhu mari kana ichinge yavatamisa.

Hurumende inofanirwa kubhadhara vanhu ava mari inosvika mamiriyoni mapfumbamwe emadhora. Asi hurumende iri kutadza kupa vanhu ava mari idzi ichiti iyo pachayo haina mari.

VaBhasikiti vanoti vanhu vashoma ndivo vaida kumboramba kuenda kuNuanetsi asi pavakasungwa zvinhu zvakatanga kufamba.

Hurukuro naVaKudakwashe Bhasikiti
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mashoko aVaBhasikiti aya ari kurambwa nevagari vakawanda vekuChingwizi vanoti havasi kufara nekuti vari kubatwa neseri kweruoko nehurumende.

Mumwe mugari wekuNuanetsi Ranch akabviswa kuChigwizi, VaMilton Shumba, vanoti vari kunonga svosve nemuromo.

Hurukuro naVaMilton Shumba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG