Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, China Kukadzi 11, 2016


Shona
Shona

Kunetsana kunoenderera mberi mubato reZanu-PF kunyangwe hazvo vakuru vebato vari kuti vakagadzirisa zviri kunetsa mubato mumusangano wePolitburo wakatora maawa gumi.

Matare emuSouth Africa anoti vanenge vabatwa nemhosva dzekutyora mutemo wekushanyira nyika iyi vanofanira kuendeswa kumatere mukati memaawa makumi mana nemasere.

Sangano reJoint Operation Command rotadza kuwirirana nevesangano reZimbabwe Activists Alliance pamusoro pehurongwa hwesangano iri hwekuda kufora vachicherechedza Valentine's Day.

Munhau dzemitambo, chikwata chenhabvu cheChicken Inn chotamba neSundowns neSvondo mumutambo we CAF Champions League wekutanga kuLuveve Stadium.

Muchirongwa cheWomen’s Round Table na 8:30 pm tiri kutarisa zuva reValentine’s Day.

Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 12080, ne 15460 Kilohertzs pa Shortwave kana paFacebook page yedu yeVOA Shona.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG