Accessibility links

Breaking News

Vane Magwaro eKugara muSouth Africa Voshungurudzwa neMapurisa


Zvizvarwa zvekune dzimwe nyika muSouth Africa zviri kuoneswa chitsvuku zvichidzingwa munyika iyi nezvizvarwa zvemo
Zvizvarwa zvekune dzimwe nyika muSouth Africa zviri kuoneswa chitsvuku zvichidzingwa munyika iyi nezvizvarwa zvemo

Matambudziko ari kutarisana nezvizvarwa zvekune dzimwe nyika zviri muSouth Africa ekurwiswa pamwe nekusungwa nemapurisa zvichinzi zviri munyika iyi zvisiri pamutemo, ari kubatawo kana zvizvarwa zveZimbabwe zvine magwaro anozvibvumidza kugara pamwe nekushanda munyika iyi.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe, VaArthur Makiwa, vanoti vakasungwa vakagara muchitokisi kwemazuva angada kusvika makumi matatu ose, kunyange hazvo vaine magwaro anovabvumidza kugara pamwe nekushanda muSouth Africa.

VaMakiwa, avo vane mudzimai nevana vatatu, vanoti vakasungwa nemapurisa mangwanani emusi wa 24 Kubvumbi vari munzira kuenda kubasa, vakaendeswa pakamba yemapurisa yeAlberton muJohannesburg makare.

VaMakiwa vanoti vasvika pakamba apa vakaedza kutsanangura kuti vaive nemagwaro azere, asi vanoti mashoko avo aingorovera pamadziro sezvo mapurisa aya akaramba kuteerera tsanangudzo iyi.

Vanoti ivo nevamwe vanodarika makumi matanhatu, kusanganisira vekune dzimwe nyika, vakatorerwa mari dzavo nezvimwe zvinokosha nemapurisa.

Vagara muchitokisi, vakazoendeswa kukamba yeLindela asi havana kuzogarako sezvo kwainge kuzerewo nevamwe vanhu vaimirira kudzoserwa kunyika dzavo.

VaMakiwa vanoti mushure mekudzoserwa pakamba yemapurisa yeAlberton pavakambogarazve kwemamwe mazuva, vakazoendeswa kuBeitbridge Border uko vakasiiwa mumaoko esangano reInternational Organisation for Migration kuti vadzorerwe kumusha.

Asi vanoti pavakanzi vaone zvekuita, ivo vakasarudza kudzokera kuSouth Africa kumhuri yavo nebasa.

Matambudziko aya anonzi ari kubata vana veZimbabwe vakawanda, izvo zvinonzi zviri kuita kuti mhuri dzipararane.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG