Accessibility links

Breaking News

Makongiresi eMatunhu eMDC T Oenderera Mberi


Matunhu mana kubva mumatunhu gumi nemaviri aita misangano yemakongiresi awo
Matunhu mana kubva mumatunhu gumi nemaviri aita misangano yemakongiresi awo

Makongiresi ematunhu mubato reMDC-T pamwe nekudoma vachakwikwidza pazvigaro zvepamusoro pakongiresi huru ichaitwa mukupera kwemwedzi unouya, zvinonzi zviri kuenderera mberi zvakanaka.

Dunhu reMashonaland Central raiita sarudzo dzaro neMuvhuro uye zvabuda zvanga zvisati zvaziviswa veruzhinji.

Munyori anoona nezvekurongwa kwemisangano, VaNelsaon Chamisa, vaudza Studio7 kuti vanga vasati vatanga kuverenga zvabuda musarudzo idzi panguva yaenda Studio7 pamhepo.

Asi VaChamisa vati semimwe misangano yakaitwa mumatunhu eHarare, Chitungwiza neMasvingo, musangano weMashonaland Central wafamba zvakanaka.

NeSvondo dunhu reMasvingo rinonzi rakadzosera hutungamiri hwepamusoro kubva pane mutungamiri webato, VaMorgan Tsvangirai; mutewedzeri wavo, Muzvare Thokozani Khupe; sachigaro webato, VaLovemore Moyo, pamwe nemutevedzeri wavo, VaMorgen Komichi.

Dunhu iri rinonzi rakadomawo VaChamisa kuti vatore chigaro chemunyori mukuru vachiteverwa naVaTapiwa Mashakada.

Sachigaro wesangano remadzimai, Amai Theresa Makone, vakadomwawo kuti vatore chigaro chemubati wehomwe, VaAmos Chibaya, vakadomwa kuti vave munyori anoona nezvekurongwa kwemisangano.

Mutauriri webato, VaDouglas Mwonzora, vakadomwawo kuti varambe vari mutauriri webato, mutevedzeri wavo ari Muzvare Thabitha Khumalo.

Kubva mune zvabuda kusvika pari zvino, matunhu matatu abuda pachena kuti anotsigira vakabata zvaigaro zvina zvepamusoro kuti varambe vari pazvigaro izvi, ukuwo mutauriri webato achitsigirwa kuti arambewo ari pachigaro ichi.

Munyori wemisangano, VaChamisa, vari kutsigirwa kuti vave munyori mukuru webato, sachigaro wemadzimai, Amai Makone, vachitsigirwa kuti vave mubati wehomwe.

Makwikwi anyatsobuda ari pamurongi wemisangano sezvo vanhu vaviri vadomwa pari zvino, VaChibaya naVaMurisi Zwizwai.

Imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari mukuru wesangano reZimbabwe Democracy Institute, VaPedzisai Ruhanya, vanoti maonero avo anoratidza kuti misangano iri kuitwa mumatunhu iyi iri kufamba zvakanaka, sezvo vasati vanzwa vari kunyunyuta.

Pavamwe vari kuti dai bato iri rakaita misangano yematunhu iyi mukati mezuva rimwe chete kuitira kuti matunhu apiwe mikana yakaenzana mukutsvaga rutsigiro, VaRuhanya vanoti chinhu chiri pachena kuti MDC-T haina mari yekuita izvi.

Vanotiwo havaoni zvakare paine chakaipa mumaitirwo ari kuitwa misangano sezvo iri iyo nzira yagara ichitorwa nebato iri kubva kare.

Hurukuro naVaPedzisai Ruhanya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG