Accessibility links

Breaking News

Vashandi veMakambani Anogaya Upfu Vanotyisidzirwa Kuti Vasaramwe Mabasa


Vashandi vanonzi vatyisidzirwa kuti vachadzingwa mabasa kana vakaramwa mabasa
Vashandi vanonzi vatyisidzirwa kuti vachadzingwa mabasa kana vakaramwa mabasa

Vashandi vemakambani anoita zvekugaya hupfu vanga vakatarisirwa kuramwa mabasa nemusi weChitatu vanonzi vazosendeka pfungwa iyi mushure mekutyisidzirwa nevashandirwi vachinzi vanodzingwa mabasa.

Sangano rinomirira vashandi ava, reUnited Food and Allied Workers’ Union of Zimbabwe, rakanga razivisa kuti vashandi vacharamwa mabasa vachida kuti vawedzerwe mihoro yavo.

Asi munyori mukuru wesangano iri, VaAdoniah Mutero, vanoti vazosendeka pfungwa iyi mushure mekunge vashandirwi vatyisidzira vashandi nekuvadzinga mabasa.

VaMutero vanoti nhengo dzavo hadzina kurasa pfungwa yekuramwa mabasa iyi asi kuti vave kuda kunzwa kubva kuvashandi kuti vanoda here kuramwa mabasa kana kuti kwete, kuburikidza nekuvhota.

Vashandi vanonzi vari kuda kuti mari dzavo dzifambirane ne poverty datum line, danho rinonzi riri kurambwa nevashandirwi vachiti havana mari.

Zvinonziwo vashandirwi vakanga vambobvuma kuwedzera vashandi mari nezvikamu zvishanu kubva muzana, asi vanonzi vakazoramba zvakare kuzadzisa chivimbiso ichi vachiti kukwira kwemutengo wechibage kwakanga kwavavhiringa.

Makambani anogaya upfu ndiwo zvakare anogaya furawa yekubikisa chingwa, izvo zvinonzi kana vashandi vakaramwa mabasa zvinogona kuitawo kuti chingwa chinetse munyika.

Makambani anogaya hupfu aya anonzi ane vashandi vanodarika zviuru gumi.

Asi sachigaro wesangano revanogaya upfu reGrain Millers Association of Zimbabwe, VaTafadzwa Musarara, vanoti vashandirwi havasi kutyisidzira vashandi kuti vachadzingwa mabasa asi kuti vanotodzingwa mabasa kana vakanonoka kuuya kubasa kana kupinda mukuramwa mabasa.

VaMusarara vanoti vashandi havana kutevera matanho ose anofanirwa kuteverwa pasati paramwiwa mabasa.

Vanoti nemusi weChipiri vakanoonana negurukota rezvemabasa nevashandi, VaNicholas Goche, kuti vamise kuramwa mabasa uku.

Hurukuro naVaAdoniah Mutero
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naVaTafadzwa Musarara
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG