Accessibility links

Breaking News

Zuva reMwanasikana Rocherechedzwa Vazhinji veVana ava Vachitadza Kuenda Kuchikoro


Rimwe dambudziko riri kutarisana nevanasikana kumaruwa nderekusawana mukana wekuenda kuchikoro
Rimwe dambudziko riri kutarisana nevanasikana kumaruwa nderekusawana mukana wekuenda kuchikoro

Rimwe remasangano anomirira kodzero dzevanasikana reInstitute For Young Women’s Development rinoti ratotanga zvirongwa zvekucherechedza zuva revanasikana, reDayl of The Girl Child, iro richa pembererwa pasi rose nemusi weSvondo.

Mutungamiri wesangano iri Muzvare Glanis Changachirere vanoti kodzero dzevanasikana dzekuenda kuchikoro hadzisi kuchengetedzwa.

Sangano iri range riri kuGuruve uko range riine zvirongwa zvekuzeya matambudziko ari kusangana nevanasikana mumaruwa.

"Dambudziko guru riri kutarisana nevanasikana kunyanya mumaruva nderekushaiswa mukana wekuenda kuchikoro nekutarisirwa pasi," vanodaro Muzvare Changachirere.

Vanoti izvi zviri kuwedzerwa nenyaya yekuti upfumi hwenyika hahuna kumira zvakanaka pari zvino.

Vanoti sangano ravo richaramba richiita zvirongwa izvi kusvika nemusi weSvondo pachacherechedzwa zuva iri pasi rose.

Sangano re United Nations riri kurudzira veruzhinji kuti varemekedze kodzero dzevanasikana pasi rose.

Dingindira regore rino rinoti: "The Power of the Adolescent Girl: Vision for 2030", kureva kuti simba remwanasikana ari kuyaruka netarisiro yegore ra2030.

Mamwe matambudziko anonzi ari kutarisana nemwanasikana anosanganisira kuroodzwa asati abva zera nezvimwewo.

Hurukuro NaMuzvare Glanis Changachirere
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG