Accessibility links

Breaking News

Crisis in Zimbabwe Coalition Yozeya Matambudziko Ayo


Sangano reCrisis in Zimbabwe Coalitions rinonzi rine nhengo dziri kunyunyuta dzakawanda
Sangano reCrisis in Zimbabwe Coalitions rinonzi rine nhengo dziri kunyunyuta dzakawanda

Sangano reCrisis in Zimbabawe Coalition raita musangano unonzi wanga wakakosha zvikuru wekuzeya matambudziko anonzi ari kukanganisa kufamba zvakanaka kwesangano iri.

Nyaya dzazeyiwa dzinonzi dzinosanganisira kubuda musangano iri kunonzi kwakaitwa nemasangano gumi ekudunhu reMatabeleland, ayo anonzi akati aiisiwa muzvirongwa zvakawanda uye kuti masimba akawandira kudunhu rimwe chete.

Zvimwe zvinonzi zvainyunyutwa nemasangano akabuda aya kupindira kunonzi kuri kuitwa nevamwe vanhu mumafambisirwo esangano iri, pamwe nenyaya yekudomwa kwemukuru wesangano iri.

Mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMfundo Mlilo, vaudza Studio7 kuti musangano uyu wasunga kuti patumwe chikwata chichanoita hurukuro nemasangano ekuMatabeleland akabuda musangano iri paine chinangwa chekuti vagadzirisane, uye masangano aya adzoke kumusha.

Panyaya yemukuru wesangano iri anonzi haachadiwa nemamwe masangano, VaMlilo vati havakwanise kukurukura nevenhau nyaya dzezvibvumirano zvevanhu zvemabasa.

Asi vati nyaya iyi ichaongororwa nemagweta avo.

XS
SM
MD
LG