Accessibility links

Breaking News

Transform Zimbabwe Inoti Zanu PF Iri Kutyisidzira Vanhu kuMt. Darwin West


Sarudzo idzi ndedzekutsvaga vachatsiva Amai Joice Mujuru pamwe naVaEmmerson Mnangagwa
Sarudzo idzi ndedzekutsvaga vachatsiva Amai Joice Mujuru pamwe naVaEmmerson Mnangagwa

Bato rinopikisa riri kukwikwidza musarudzo ye by-election kuMt. Darwin West, reTransform Zimbabwe, rinoti riri kunyunyuta zvikuru nedanho rarinoti ratorwa nemasabhuku nemadzishe mudunhu iri rekuunganidza vanhu vachiudzwa kuti vanofanirwa kufamba sei kana vave kunovhota.

Sarudzo dzema by-election kuChirumhanzu-Zibagwe neMt. Darwin West dziri kuitwa neChishanu Kurume 27 2015.

VaDavid Rhodi, avo vari kubatsira kutsvaga rutsigiro kunhengo yebato iri kuMt. Darwin West, VaKenard Fungayi, vanoti vanhu vaunganidzwa muWard 8 kuRuwani Area vakaudzwa nemasabhuku kuti vanofanirwa kutanga vaungana vose pamisha yemashabhuku avo vozoenda pamwe chete kunovhota uye vanofanirwa kupinda vachitevera kurongwa kwemazita avo.

VaRhodi vanoti masabhuku aya anga achizadzisa hurongwa hweZanu PF hwakasungwa nemusi weChina kumusangano wavanoti wakaitwa kuDotito.

Asi vanoti kunyange vachinyunyuta, havasi kuzobuda musarudzo idzi sezvo vari kuda kurwisa chitsotsi nekubirwa kwesarudzo kunoitwa neZanu PF.

Vari kukwikwidzana musarudzo idzi vanoti VaFungayi veTransform Zimbabwe, VaBarnwell Seremwe veZanu PF, VaReuben Mafigu veNational Constitutional Assembly, pamwe naVaCyril Muradzi veFreedom Front.

Hatina kukwanisa kubata veZanu PF kanawo masabhuku aya kuti tinzwe mativi avo panyaya iyi.

Mapato achapinda musarudzo idzi anoti Zanu PF, National Constitutional Assembly, Freedom Front, Transform Zimbabwe pamwe nemumwe akazvimirira.

Mapato ose eMDC akaramba kupinda musarudzo idzi achiti anoda kutanga aona kuti zvinyunyuto zvawo zvine chekuita nesarudzo zvagadziriswa.

Asi vamwe vari kunyunyuta nedanho rakatorwa nebato reMDC T rekuburitsa muparamende nhengo makumi maviri neimwe dzakaenda kuMDC Renewal Team.

Vanoponaka nedanho iri vanoti MDC T yakapa zvigaro izvi kuZanu PF, vachiti hapana rimwe bato ravanoona richizokunda Zanu PF musarudzo idzi.

Asi mutauriri weMDC T, VaObert Gutu, vanoti bato ravo rakangotevera zvisungo zvekongiresi yaro zvekuti risapinda musarudzo kusvika nhandare yesarudzo yaenzana.

Nhengo yeZanu PF uye vari chipangamazano mubato iri, VaGoodson Nguni, vanotiwo kusapinda musarudzo kwebato iri kutya kunyadziswa sezvarakaitwa musarudzo dza2013, apo Zanu PF yakatora zvigaro zvakawanda ichikunda bato rinopikisa iri.

Mapato ari kupinda musarudzo idzi anoti reNational Constitutional Assembly neTransform Zimbabwe ari kunyunyuta nekutyisidzirwa kwaanoti kuri kuitwa nhengo dzawo neZanu PF, uye kuti gwaro revavhoti harina kumira zvakanaka.

Zimbabwe Electoral Comission yakazivisa kuti vanhu vanodarika zviuru makumi manomwe vakanyoresa kuvhota musarudzo idzi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG