Accessibility links

Breaking News

Vagari Voramba Hurongwa hweKanzuru yeMutare


A Zimbabwean policeman patrols near supporters of the Movement for Democratic Change (MDC) 17 Feb. 2009 outside the entrance of Mutare Magistrates court east of Harare
A Zimbabwean policeman patrols near supporters of the Movement for Democratic Change (MDC) 17 Feb. 2009 outside the entrance of Mutare Magistrates court east of Harare

Vagari vekwaMutare vari kutsika madziro vachiti havasi kuzotambira hurongwa hwekanzuru yeguta ravo hwekuda kuti vagari vatange vabhandara mvura yavanoshandisa vasati vaishandisa mvura yacho. Hurongwa uhu hunoshandisa ma pre paid water meters.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachitaura neChina manheru pamusangano wakarongwa nesangano rinomirira vagari vemuguta reUnited Mutare Residents and Ratepayers Trust, UMRRT, wekuzeya hurongwa hwekanzuru uhu, vakawanda vakabuda pachena kuti havasi kuzotambira zviri kuda kuitwa nekanzuru yavo.

Vanhu ava vakati izvi zvinosiya vanoshaya vari panguva yakaoma kunyange hazvo bumbiro remitemo yenyika richiti mvura yakachena ikodzero yemunhu wese.

Musangano uyu unotevera mashoko akabuda emumusangano wekanzuru wakakurukura nyaya yekuda kutangisa ma pre-paid water meters muguta.

Mumwe mugari wemuSakubva maMutare, VaEdward Chirwa, vanoti vanopokana nenyaya yekuti mumisha yavo muve nemamita pari zvino apo dzimwe nzvimbo dzemaMutare dzisiri kusvika mvura mazuva ose.

Mumwe mugari wemaMutare, Muzvare Mwanyara Tariona, vanotiwo kanzuru inofanirwa kutanga yagadzirisa nyaya yemvura zhinji iri kurasika mumapombi, inosvika zvikamu makumi mashanu nezvitatu kubva muzana.

Imwe nhengo ye UMRRT, Amai Memory Tapera, avo vanogara muSakubva, vanoti havadi kunzwa nezvemamita aya sezvo kwavanogara dzimba idzi dzakakamurwa dzichigara mhuri mbiri.

Vaimbove mumiriri weMakoni South mudare reparamende, Va-Pishai Muchauraya, vanoti mamita emvura aya anozivikanwa zvikuru nekusasimba kwawo zvakare mamita aya achapa kuti vanoshaya vange vachizoomerwa nehupenyu.

Mushandi musangano re Consumer Council of Zimbabwe maMutare, Va Joel Masamvu, vanotiwo kuuya kwemamita aya kuchapa kuti hutano hwevanoshaya huiswe pamutariko.

Mumiriri weMutasa South mudare reparamende, uye vari sachigaro wekomiti mudare iyi inoona nezvekutongwa kwematunhu nemaguta, Muzvare Irene Zindi, vanotiwo kanzuru inofanirwa kugadzirisa kurasika kwemvura yakachena kuri kuitika muguta, kwete kumhanyira kuisa mamita aya.

Va Passmore Nyakureba igweta rinoshanda nesangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe lawyers for Human Rights.

VaNyakureba vanoti kuisa mamita emvura muvanhu kunotyora kodzero dzavo kana zvichizopa kuti vanhu vachavharirwa mvura yacho nekuda kwekushaya mari yekuibhadhara.

Studio 7 haina kukwanisa kutaura nameya weguta reMutare, VaTatenda Nhamarare, pamusoro penyaya iyi sezvo vange vsiri kubatika.

Asi sachigaro wekomiti mukanzuru inoona nezvekufambiswa kwemabasa emvura mukanzuru, Va Edmore Chisango, vanoti nyaya yema pre-paid water meters haisati yatambirwa nekanzuru sezviri kufungidzirwa neveruzhinji.

Kanzuru yeMutare inoti kuisa mamita mudzimba, ayo anodarika mazana mana ezviuru,kuchapa kuti vanhu vazhinji vabhadhare mari yemvura sezvo pari zvino vamwe vasiri kubhadhara.

Kanzuru iyi inoti vagari vane chikwereti chemitero nemvura chinosvika mamiriyoni makumi maviri emadhora kubva gore rapera, uye kunyengetedza vagari kuti vabhadhare hakusi kuwana anoteerera.

Mamwe makanzuru emaguta anoti Harare, Bulawayo, Chitungwiza pamwe neChipinge akamboedza pfungwa yemamita aya asi vagari vakatsika madziro vachiti havasi kuzotambira hurongwa uhu.

XS
SM
MD
LG