Accessibility links

Breaking News

Mash Central Yobvunza VaMugabe Chavakanyararira Mudzimai Wavo Achituka Amai Mujuru


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Vamwe vatsigiri veZanu PF mudunhu re Mashonaland Central vanoti havasi kufara nekunyarara kwakaita mutungamiri webato ravo, VaRobert Mugabe, zvichitevera kushoropodzwa kwakaitwa mutevedzeri wemutungamiri webato, Amai Joice Mujuru naAmai Grace Mugabe.

Mashoko aAmai Mugabe aya haasi kufadza veruzhinji mudunhu re Mashonaland Central uko kunobva Amai Mujuru.

Vechidiki vakaungana neMugovera pamhemberero dzekupedza zvidzidzo zve Doctor of Philosophy kwakaitwa naAmai Mujuru vaiimba vachiti zviri kuitwa naAmai Mugabe zvekushora Amai Mujuru pamwe nekupinda kwa Amai Mugabe munyaya dzezvematongerwo enyika vachitora chigaro chepamusoro zvakafanana nekuti vari kuda kuti nyika itungamirirwe nemhuri imwe chete.

Vamwe vasiri kufara nemashoko aya mutsigiri we Zanu PF anogara ku Dotito, Muzvare Tracy Hondongwe, avo vanoti Amai Mujuru munhu anoremekedzwa zvikuru kana vachienzaniswa naAmai Mugabe.

Muzvare Hondongwe vanoti mashoko aAmai Mugabe haana ruremekedzo kana pakatariswa nhoroondo dzevaviri ava mukushandira Zanu PF pamwe nenyika yose. Muzvare Hondongwe vanoti VaMugabe vanofanirwa kubuda pachena pamashoko emudzimai wavo kwete kuramba vakanyarara.

Mumwewo mutsigiri weZanu PF mudunhu iri, Amai Keresenzia Mutashu, avo vanogara ku Bradley, vanotiwo havasi kufara nezviri kuitwa naVa Mugabe kusiya mudzimai wavo achingoita madiro a Jojina achishora hutungamiriri hwakasarudzwa nevanhu.

Nokudaro, Amai Mutashu vanoti Amai Mujuru vanofanira kuti vakwikwidze Va Mugabe pakongiresi yeZanu PF ichaitwa muna Zvita.

Amai Mutashu vanoti kushorwa pamwe nekutukwa kuri kuitwa Amai Mujuru na Amai Mugabe kushora vakarwira rusununguko rwenyika vanosanganisira murume wa Amai Mujuru, mushakabvu Va Solomon Mujuru.

Munyori anowona nezvekufambiswa kwemabasa mu Zanu PF munharaunda yeChiutsa mu Mt Darwin, Va Silas Sande, vanoti Amai Mugabe vazopinda nemwenje mudziva nekukurudzira kwavari kuita kuti Amai Mujuru vabve pachigaro chavo.

Vanoti kusapindura nemashoko anotuka kuri kuitwa naAmai Mujuru kunoratidza kuti Amai Mujuru munhu ave neruzivo rwakakomba munyaya dzezve matongerwo enyika.

Vanotiwo Amai Mujuru vakura pfungwa zvekukodzera kutora matomhu kubva kuna Va Mugabe.

Va Sande vanoti Amai Mujuru munhu ari kushanda zvakasimba mukusimudzirwa kwedunhu re Mashonaland Central saka vanoti zviri kuitika izvi zvinokanganisa kubudirira kwenzvimbo yavo.

Sachigaro we Zanu PF munharaunda ye Chiutsa, Va Lawrence Ruza, vanoti vari kutsigira hurumende yaVa Mugabe uye vanoti shuviro yavo ndeyekuti irambe yakamira sezvayakaita, VaMugabe vari mutungamiri, Amai Mujuru vari mutevedzeri wavo mukuru.

Va Ruza vanoti zviri kuitwa na Amai Mugabe izvi ndezvegodo.

Zvichakadai, sachigaro webato iri mudunhu re Mashonaland Central, Va Luke Mushore, vanoti komiti yavo haisati yagara pasi kuti izeye nyaya yevanhu vachakwikwidza kukongiresi.

Va Mushore vanoti kunyange zvakadaro, havawoni chichachinja sezvo vachiti igaroziva kuti purovhinzi yavo inotsigira hutungamiri huripo hunenge hwakasarudzwa nekongiresi.

Havana kuda kutaura kuti purovhinzi yavo iri kutsigira kuti Amai Mujuru vakwikwidze Va Mugabe here kana kuti kwete uye kuti komiti yavo iri kutsigira here mashoko aAmai Mugabe ekuti Amai Mujuru vabviswe pachigaro chavo.

Asi Amai Mujuru, avo vanogara vachirumbidza Va Mugabe pese pavanotaura paruzhinji, vanoti havasi kuzoshayiswa hope neavo vanovavenga mumusangano wavo.

Vane ruzivo nezviri kuitika mu Zanu PF vanoti Amai Mugabe vari kushora Amai Mujuru nechinangwa chekutsvagira gurukota rezvemitemo, Va Emmerson Mnangagwa, rutsigiro rwekuti vazotora matomhu kubva kuna Va Mugabe kana vazofunga kubva pamasimba.

Amai Mugabe pachavo vakabuda pachena ku Mazowe svondo rapera kuri vari kutsigira Va Mnangagwa.

Amai Mujuru naVa Mnangagwa vanonzi vari kutungamira zvipoka zviri kukwikwidzana kutora matomhu kubva kuna Va Mugabe asi vaviri ava vari kuramba mashoko aya uye vose vari vaviri vanoti havangataure nezvehutungamiri hwe Zanu PF sezvo VaMugabe vachiripo.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG