Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoparura Chirongwa Chinovheneka Mhuri Hutachiwona hweHIV


Hurumende yaparura chirongwa chekuvheneka vanhu kuti vane hutachiwana hweHIV/AIDS here kana kuti kwete.

Chirongwa ichi chakanangana nemhuri, vana vadiki nevachiri kukura apo iri kuvandudza hurongwa hwayo hwekupedza chirwere cheHIV/AIDS munyika.

Vachiparura hurongwa uhu neChina, mukuru anoona nezveHIV/AIDS nechirwere cherurindi mubazi rezvehutano nekuchengetedzwa kwevana, Doctor Owen Mugurungi, vati zvakakosha kuti vanhu vazive pavamire nekukasika kutiira kuti vakwanise kurapwa kana vachinge vawanikwa vaine hutachiona uhu.

Vati kare vanhu vaiongororwa kuti vane hutachiwana here kana kuti kwete ndevaye vairwara kana kupa ropa asi bazi ravo raona zvakakosha kuti munhu wese aongororwe kana nyika ichida kukunda muhondo yeHIV/AIDS.

VaMugurungi vati chikuru chakakosha pahwaro hwavaparura ndechekuti hunotarisa vakuru nevadiki.

Vaenderera mberi vachiti chirongwa chavo chinokurudzira mhuri nevaye vanodana kuti vaende kundoongororwa pamwe chete vachiti izvi zvinobatsira kuti vakwanise kuronga ramangwana ravo.

Chirongwa ichi chinoti vechidiki vane makore gumi nematanhatu vane mvumo yekutora danho rekuongororrwa hutachiwana zvisina mvumo kubva kuvabereki vavo.

Hurongwa uhu hunotiwo kana mubereki akaramba kuti mwana wake ane makore ari pasi pegumi nematanhatu aongororwe, vana chiremba kana vana mukoti vanopihwa mvumo yekuongorora mwana uyu kana vachinge vagutsikana kuti zvinokodzera kuti aongororwe.

Vati hurumende iri kushushikana chose kuti vazhinji vevana vane hutachiwana havazive kuti ndozvavari, uye vabereki vavo havazivewo kuti vana ava vari kurarama nehutachiwana.

VaMugurungi vati izvi zvinoita kuti vana ava vanonoke kuwana rubatsiro runoita kuti vararame kwenguva yakareba.

Mukuru wesangano reAids and Arts Foundation Zimbabwe, VaEmmanuel Gasa, vatiwo zvinofadza kuti hurumende yave kukurudzira kuti vanhu vaongororwe hutachiwana.

Mumwe wechidiki uyo aramba kudomwa nezita anoti atambira kurudziro yehurumende yekuti vanhu vaongororwe. Wechidiki uyu, uyo aongororwa ropa rake pachiitiko ichi, ati anofara kuti ave kuziva paamire.

Hurumende ine chinangwa chekuti zvikamu makumi masere nezvishanu kubva muzana zvevanhu vese munyika vange vave kuziva kuti vane hutachiwna here kana kuti muna 2015.

Pari zvino zvikamu makumi mashanu kubva muzana, vazhinji vavo vari vakadzi, ndivo vanoziva pavamire maererano neHIV.

Munyika mune vanhu vanodarika miriyoni nechidimbu vanorarama neHIV uye miriyoni yevanhu ava inoda mapiritsi anoita kuti vararame nguva yakareba kana kuti ma Anti Retro Viral Drugs.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG