Accessibility links

Breaking News

EU Inoti Hapana Chinoshamisa Mukurwisana Kuri muZanu PF


Mureza weEU
Mureza weEU

Mumiriri wenyika dzeEurope muZimbabwe, Va Philipe Van Damme, vanoti hapana chinoshamisa pane zviri kuitika muZanu PF sezvo zvichizikanwa pasi rose kuti vezvematongerwo enyika vanorwira zvigaro munguva dzakadai.

Vachipindura mibvunzo mushure mekutaura pamusoro peramangwana rekudyidzana kweZimbabwe neEuropean Union pamusangano wange wakarongwa nesangano reSouthern African Political and Economic Series Trust, VaVan Damme vakati harisi basa ravo kutaura nezviri kuitika mumapato ezvematongerwo enyika asi zvichizivikanwa kuti pasi rose kuti vanoita zvematongerwo enyika vanorwira zvigaro.

Pane kurwisana kunotyisa muZanu PF sezvo bato iri riri kugadzirira kuenda kukongiresi mwedzi unouya. Asi vamiriri venyika dzekunze vari kuramba kupa pfungwa dzavo pane zviri kuitika mubato iri.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti kunyange hazvo nyika dzekunze dzakanyarara, dziri kushushikana zvikuru nezviri kuitika mubato iri asi hapana zvadzingaite sezvo mutemo wekudyidzana kwenyika dzepasi rese usingadzibvunidze kupindira munyaya dziri kuitika muZanu PF.

Mumwe wevanoongorora zvematongerwo enyika, VaBlessing Vava, vanoti nyika idzi dzakatarisa chose zviri kuitika asi hapana zvadzingaite.

Vanderera mberi vachiti vanhu vese munyika pamwe nenyika dzekunze vanoda kuona kuti ndiyani achotora matomu pakongiresi sezvo mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, vava mukweguri.

VaMugabe vari kusvita makore makumi mapfumbamwe nerimwe muna Kukadzi 2015.

VaVava vanoti kunyange hazvo EU yakabvisa zvirango zvehupfumi, Zanu PF icharamba ichidyidzana zvakanyanya neChina nedzimwe nyika dzekumabvazuva.

Asi vamwewo vanoti hurumende yeZanu PF iri parumananzombe uye inotoda kudyidzana nenyika dzese dzepasi rino.

Izvi zvinoratidzwa nekushanya kwakaita chikwata chevemabhizimisi chekuBritain neDenmark nguva pfupi yapfuura.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG