Accessibility links

Breaking News

Gwaro Rinoudza Vatori veNhau Maitirwo eBasa Ravo Roparurwa


SanganoreVoluntary Media Council of Zimbabwe , neChina manheru rakaparura gwaro renzira inofanira kutevedzwa nevatori venhau. Gwaro iri rakanyorwawo mururimi rweChishona, Ndebele pamwe neTonga.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachitaura apo vaiparura gwaro iri iro rakavandudzwa nekuwedzera chikamu chekuti vatapi vanhau vareremekedze kodzero dzemadzimai, sachigaro webhodhi resangano iri rinoona nezvekutevedzwa kwemutemo yebasa kana kuti Ethics Committee, VaTapfuma Machakaire, vakati gwaro iri rakanyorwa nemitauro inoita kuti veruzhinji vari nzwisise.

VaMachakaire vakatiwo vakaita izvi vachitevedza bumbiro remitemo wenyika iro rinocherechedza mitauro gumi nemitanhatu.

Vanoti vakatanga neChishona, Ndebele neTonga uye vachadhinda gwaro iri nedzimwe ndimi kuti vanhu vese muZimbabwe vawane nekunzwisisa gwaro iri zvisinei nekuti vanogara kupi.

Vanoti kana veruzhinji vakaziva kuti mitemo yemashandiro anoita vanotapa nhau nekufambisa mashoko vanokwanisa kukwidza nyaya dzavo kusangano iri kana vachinge vakakanganisirwa nevanhu ava.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekufambiswa kwemashoko, VaWilliam Dewa, vanoti zvaitwa neVoluntary Medica Councilzvakanaka chose sezvo zvichireva kuti vanhu vese vave kuziva mashandiro anofanira kuitwa nevatapi venhau.

Mukuru wesangano rinoona nezvemadzimai ari munyaya dzekutora nhau nekufambiswa kwemashoko, reFederation of African Medica Women, Amai Abigail Gamanya, vanoti vanofara kuti gwaro reCode of Ethics rave mundimi dzakawanda.

Mumwe mutori wenhau anoshanda akazvimirira, Byron Mutingwende, anoti kunyorwa kwegwaro iri nendimi dzemuno kunoreva kuti veruzhinji vanokwanisawo kushandisa gwaro iri.

Zvichakadai, sangano reVoluntary Media Council of Zimbabwe rinoti pane zvichemo makumi matutu zvakasvitswa kwariri gore rapfuura uye pazvichemo zvakawanda vanhu vainge vasiri kufara nemanyorerwe aiitwa nhau nemapepanhau asiri ehurumende.

Sangano iri rinoti zvichemo zvizhinji zvakagadziriswa zvakanaka.

XS
SM
MD
LG