Accessibility links

Breaking News

Bato reZUNDE Rinoparurwa muHarare


Map of Zimbabwe
Map of Zimbabwe

Rimwe bato rezvematongerwo enyika, reZimbabweans United for Democracy kana kuti ZUNDE iro rakaumbwa kunze kwenyika muna 2013 raparura mabasa aro muZimbabwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Bato iri rinoti rinobvumirana nemamwe mapato anopikisa munyika kuti mitemo yesarudzo inofanira kuvandudzwa kuitira kuti mapato ese ave nemikana yakaenzana musarudzo.

Vachitaura pakuparurwa kwebato ravo muHarare neChipiri, akafanota chigaro chemutungamiriri webato iri,VaFarai Mbira, vanoti bato ravo rakaumbwa kunze kwenyika sezvo kuri iko kusinganetsi kuita misangano uye vaona zvakakodzera kuti vachitanga basa mukati menyika.

Vati mutevedzeri webato ravo ndiJustice Benjamin Paradza, avo vakatiza munyika makore akati kuti apfuura vachipomerwa mhosva yehuwori.

VaMbira vanoti vakarwa muhondo yerusununguko, uye VaParadza ndivo vave kumirira bato iri kuNew Zealand.

Vati bato ravo harifisi kufara nehutongo hwebato reZanu PF asi vati pari zvino vanobvumirana nemamwe mapato anopikisa kuti sarudzo munyika hadzina zvadzinoburitsa kana mitemo yesarudzo isati yavandudzwa

VaMbira vati bato ravo rine nhengo pasi rese munyika dzakaita seUnited States, South Africa, Germany neAutrasliauye pari zvino ratanga kuvhura mahofisi mumatunhu ese munyika uye richashanda nemamwe mapato ese anoda shanduko munyika.

Imwe nhengo yechidiki mubato iri, Va Romeo Muswe, vati vane tariro yekuti bato reZUNDE richaunza shanduko munyika.

VaStephen Musa ndemumwe weavo vati vanofara chose nekuparurwa kwebato reZUNDE vachiti vanofunga kuti richaunza shanduko munyika.

Mumwe anoongorora zvematongerwo enyika, VaFortune Gwaze, vanoti kunyange hazvo vanhu vakasununguka kutanga mapato, zvinhu zvakaoma kuti mapato aya ashandure mamiriro ezvinhu munyaya dzesarudzo munyika.

VaGwaze vati mamwe mapato akaita se Movemeent for Democratic Change inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai akatomboedza kuita izvi ari muhurumemende akazvitadza.

Mune imwe nyaya, kanzuru yeguta reHarare inoti vagari vakawanda muguta vave kunyunyuta kunzuru pamusoro pedzimwe dzisvondo idzo vanoti dziri kuita ruzha muguta.

Munyori weguta, VaTendai Mahachi, vati kana izvi zvikaramba zvichiitka kanzuru yavo ichamanikidzwa kutora matanho akaomarara.

Asi mukuru wereimwe remasangno anoanomirira mamwe masvondo, reEvangelical Fellowship of Zimbabwe, VaShingi Munyeza, varamaba kutaura zvakawanda pamusoro penyaya iyi vachiti havasati vawana chichemo ichi kubva kunzuru uye kuti inhengo dzesangano ravo here kana kuti kwete dziri kuita izvi.

XS
SM
MD
LG