Accessibility links

Breaking News

Amai Chiwara: Chitendero che Islam Chinokurudzira Kugarisana Zvakanaka


Kunyange hazvo veruzhinji vasinganzwisise zvakanyanya chitendendero chichi Islam muZimbabwe, nyanzvi dzezvezvitendero dzinoti chitendero ichi chakanaka chose uye chakangofanana nezvimwe zvitendero zvakaita sechiKristu.

Kunyange hazvo zvichifungidzirwa kuti kune vanhu vanotevera chitendero che Islam kana kuti Muslims anodarika miriyoni imwe chete nemazana maviri ezviuru munyika, veruzhinji vanoti havana ruzivo rwakanyanya pamusoro pechitendero uye pane zvakawanda zvinotaurwa pamusoro pechitendero ichi zvinoita kuti vanhu vatye kana kusada kuva nechekuita nechitendero ichi..

Amai Agnes Chiwara, avo vanodzidzisa zvidzidzo zvechitendero paUniversity of Zimbabwe, vanoti maMuslim vanhu vanoremekedza chitendero chavo nekunamata zvikuru.

Amai Chiwara vanoti ma Muslim anonamata mwari asi muitiro wavo wakasiyana nemaitiro anoita maKristu.

Vanotiwo kunyange hazvo chitendero ichi chakauya nevanhu vaibva kune dzimwe nyika makare makare, chine zvizhinji zvinoenderana netsika dzemu Zimbabwe.

Semuenzaniso vanoiti barika rinobvumidzwa pachi Islam. Asi sachigaro weIslamic Supreme Council of Zimbabwe, Sheik Ishmael Duwa, vanoti pane zviga zvinotevedzwa kuti munhu aite barika.

Sheik Duwa vanoti kana pakuroora chaipo chitendero chavo chinosungira kuti mukomana nemusikana vatevedze zvinongongoitwa pachiKrisitu nepachivanhu zvekuti havasangani vasati varoorana.

Chitendero chechi Islam chinosungira kuti vakadzi vapfeke nhumbi dzinovhara nhengo dzavo dzese kunze kwemeso chete.

Kunyange hazvo vasina ruzivo rwechitendero ichi, vachiti kuita izvi kudzvinyirira madzimai, imwe nhengo yeAfrica Muslim Agency, Sheik Anobi Twabi, vanoti izvi ndizvo zvinoenderana nechitendero chavo uye muviri wemukadzi wakakosha zvekuti haufaniri kuratidzwa pese pese.

Amai Chiwara vanotiwo izvi zvinotori muchitendero chavo uye zvinonziwo zvinoderedza mabasa ehunzenza.

Sheik Duwa vanoti manyepo ekuti maMuslim anoshandisa mvura inenge yageza vafi kubikisa chikafu vachiti izvi zvinotaurwa nevasina ruzivo rwechitendero ichi.

Sheik Duwa vanoti kana nhengo yechitendero chavo ichinge yafa, vanoigeza voiviga sezvekaitwa pakafa Jesu.

Sheik Duwa vanotiwo chitendero chechi Islam chinokurudzira runyararo, kugara zvakanaka pakati pevanhu vakati hachisi chehondo sezvinoratidzwa nemamwe masangano anoshandisa zita rechitendero ichi kuita mabasa echigandanga.

Amai Chiwara vanoti mabasa echigandanga ari kuitwa nemasangano akaita sana Boko Haram kuNigeria ari kusvibisa chitendero ichi zvikuru uye zviri kuita kuti vakawanda vasatendeuke muchitendero ichi.

Vazhinji vari muchitendero ichi vanowanikwa mumadhorobha, mumigodhi, nemumapurazi. Asi nekukura kuri kuita chitendero ichi, icho chinonzi chine vanhu vanodarika miriyoni imwe chete nemazana maviri ezviuru, chave kutambirwawo mumatunhu mazhinji ekumaruva munyika yose.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:08:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG