Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotungamira SADC Kudzivirira Ebola


Health workers remove the body of a 29-year-old man who local residents say died of Ebola in Monrovia, Liberia, Sept. 11, 2014.
Health workers remove the body of a 29-year-old man who local residents say died of Ebola in Monrovia, Liberia, Sept. 11, 2014.

Nyika dzemuAfrica nemasangano anopa rubatsiro anoti nyika dzakabudirira dzinofanira kuwedzera rubatsiro kunyika dzekumawirira kwe Africa dzawirwa nedambudziko nechirwere che Ebola.

Chirwere ichi chauraya vanhu zviuru zviviri nemazana mana pavanhu zviuru zvina nemazana manomwe vakabatwa nechirwere ichi.

Nyika dzabatwa nechirwere ichi dzinosanganisira Liberia, Guinea, Nigeria, Sierra Leone, Senegal neDemocratic Republic of Congo.

Bazi reUnited Nations rinoona nezvehutano, reWorld Health Organization, rinoti pari kudiwa mari inosvika bhiriyoni imwe chete yemadhora yekushandisa mukurwisa chirwere ichi.

Bazi iri rinoti chirwere ichi chakomba zvakanyanya pane zvarati ramboona munhoroondo yechirwere ichi.

Munyori mukuru wUnited Nations, VaBan Ki Moon, vari kutarisirwa neChina kuparurawo chirongwa chekutsvaga mari nerubatsiro rwekurwisa denda iri.

Mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, vanoti America yave kutumira mauto zviuru zvitatu kuLiberia kunobatsira kurwisa chirwere ichi.

America kusvika pari zvino yapa nyika idzi mari inosvika zana remamiriyoni emadhora.

Zvichakadaro, Zimbabwe inova sachigaro weSADC, ndiyo iri kutungamira hurongwa hwekurwisa Ebola mudunhu rekuchamhembe kweAfrica iri.

Gurukota rinoona nezvehutano, Dr David Parirenyatwa, vanoti vari kuyedza kugadzirira dunhu kubva kuchirwere ichi kunyange hazvo Democratic Republic of Congo yakawirwa nedambudziko iri.

Hurukuro naDr David Parirenyatwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG