Accessibility links

Breaking News

Vabereki Vokurudzirwa Kuudza Vana Vavo Vakaberekwa Vaine HIV/AIDS


Sangano re National Council of Zimbabwe rinoti vana vanozvarwa vane hutachiwona hwe HIV/AIDS vazhinji vavo havasi kuudzwa nevabereki vavo kana vakura kuti vane hutachiwona.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano iri, Amai Tadiwa Pfupa, vanoti dambudziko rekusatora mushonga we HIV/AIDS mune vechidiki riri kuramba richikura munyika kunyanya pavana vane makore ari pakati pegumi nemana negumi nemapfumbamwe.

Amai Pfupa vanoti sangano ravo riri kushanda nebazi rezvehutano mukuyedza kudzidzisa vabereki nevana vavo kukosha kwakaita kuziva pavakamira panyaya yeHIV/AIDS.

"Shuwiro yedu ndeyekuti vana vadiki vawane ruzivo urwu kuitira kuti vakwanise kuziva kuti seyi vari kutora mishonga uye kuti varambe vari pamishonga iyi sezvinokurudzirwa kumunhu ange ane hutachiwona," Amai Pfupa vanodaro.

Amai Pfupa vanoti dambudziko guru nderekuti kazhinji vabereki vevana ava vanenge vakashaya zvichitevera neHIV/AIDS asi hama hadzizotaurire vana vanenge vasara chakatora vabereki vavo izvo zvirikuzokonzeresa matambudziko akawanda pavanokura.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG