Accessibility links

Breaking News

Vane Mabhizinesi kuFrance Vozeya Kuvamba Mabhizinesi muZimbabwe


Chikwata chavana muzvinabhimisi vekuFrance vari kushanya munyika kwemazuva matatu chaudza mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti vanoda kutanga mabhizimisi muno asi vanoda kuvimbiswa nehurumende kuti mabhizimisi avo haazobvutwi pasi pemutemo wekupa masimba kuvatema.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachitaura vasati vasangana naVaMugabe negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, mukuru wechikwata ichi, VaGerard Wolf, vati kunyangwe hazvo zvinhu zviri kuenda zvichinaka muZimbabwe, hurumende inofanira kujekesa mutemo wayo wekupa masimba ehupfumi kuvatema vemuno.

Vati makambani ekuFrance anoda kutanga mabhizimisi muZimbabwe uye anoda kugara muno kwenguva yakareba nekudaro zvakakosha kuti azive kuti remangwana rawo rinenge rakamira sei, uyewo kuti mutemo wenyika unovabvumidza here kuita izvi.

Asi vave kutaura nevatori venhau mushure memusangano wavaita naVaMugabe naVaChinamasa kuState House, VaWolf vati vawanawo vimbiso kubva kurumende yeZimbabwe yekuti mabhizimisi avo achachengetedzwa.

VaChinamasa vati hurumende iri kuedza napose painogona kunatsurudza mitemo yayo kuti ikwanise kukwezva vemabhizimisi vekunze uye vatiwo zviri kudiwa nana muzvinabhizimisi vekuFrance zvinonzwisisika.

Mutemo wekupa masimba munyaya dzehupfumi kuvatema, unosungira makambani ekunze kuti ape zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana kuvatema vemuno.

VaChinamasa vati izvi zvinogona kushandurwa chete mumakambani asinei nezviwanikwa. Asi vakati mutemo uyu ucharamba wakadaro pamakambani anoona nezvezviwanikwa kana zvicherwa.

Vachitaura pamusangano wekutambira chikwata ichi wavakaita kumuzinda weFrance muZimbabwe nezuro manheru, mumiriri weFrance muZimbabwe, VaLaurent Delahousse, vakati zvakakoshawo kuti Zimbabwe ikoshese kukosha kwemidziyo nezvinhu zvevanhu senzira yekukwezva vemabhizimisi vekunze.

Vachitaurawo nevatori venhau pamabiko aya, mutevedzeri wegurukota rezvekutengeserana nemabhizimisi, Amai Chiratidzo Mabuwa, vanoti zvaitwa neFrance zvinoratidza kuti Zimbabwe yave kusimuka munyaya dzehupfumi.

Vakakurudzira vemabhizimi vekunze kuti vauye muZimbabwe vachiti nyaya yekutaurisa vekunze vachiti zvinhu hazvina kunaka munyika ichazovashayisa mukana sezvo vakachenjera sevekuFrance vave kutotora mikana yekutanga mabhizimisi muno.

Kuuya kwana muzvinabhizimisi vekuFrance munyika kunotevera zvimwe zvikwata zvakabva kuEurope gore rapera kunyika dzakaita seBritain neDemark.

Zvikwata izvi zvakati kunyange hazvo zvichida kutanga mabhizimisi muZimbabwe zvinoda kuti hurumende itange yajekesa mutemo wekupa masimba ehupfumi kuvatema vemuno.

XS
SM
MD
LG