Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yosiyana neChirongwa Chekuendesa Hupfumi kuVatema Kunze KwekuMigodhi


Gurukota rinoona nezvemaindustry VaMike Bimha vatsinhirawo kuti hurumende yasendeka parutivi chirongwa chekutora zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana kumakambani anenge achida kuvamba mabhizimisi munyika.

VaBimha vanoti makambani ezvicherwa chete ndiwo ave kusungirwa kupa vatema zvikamu makumi masnanu nechimwe kubva muzana.

Mashoko aya akataurwawo negurukota rinoona nezvekuendesa hupfumi kuvatema VaChris Mushowe kubepanhau reSunday Mail.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti zvabuda pachena kuti chirongwa chehurumende ichi change chopa Zimbabwe kuti iite seyakageza negoka munyama.

VaBimha parizvhino vari kumusangano weMilan Expo kuItaly uko Zimbabwe iri kuratidzirawo zvinhu zvayo panyika dzinosvika zana nemakumi mana nemanomwe.

XS
SM
MD
LG