Accessibility links

Breaking News

Vagari veKuNyamakate Vorarama neKutengesa Huswa


A man seeling grass to make a living in Kariba.
A man seeling grass to make a living in Kariba.

Mhuri dzakawanda kunyamakate mudunhu remashonaland west dzave kurarama nekutengesa uswa hwekupfiririsa dzimba.

Vakawanda vanoti vakafunga danho rekutengesa huswa mushure mekunge vaona kuti vari kuvaka dzimba vakawanda mazuva ano vave kufarira kushandisa huswa mukupfirira.

Izvi zvinonzi zviri kuitwa kazhinji munzvimbo dzekutandarira nekushanya dzakaita semalodge nemachalets.

VaMaynard Hozheri mumwe weavo vari kurarama nekutengesa uswa. Vanoti vakatora danho iri sezvo vari pedyo nenzvimbo dzinopisa dzeKariba, Chirundu pamwe negachekache.

VaHozheri vanoti bhizinisi rekutengesa uswa riri kuvararamisa ivo nemhuri yavo uye vanowana mari zvichienderana nekuwanda kwehuswa hwavanenge vacheka.

Vanoenderera mberi vachiti vanowana mari inosvika chiuru chemadhora kana vanhu vachitenga zvakanaka zvikuru sei nguva yekupisa yatiri.

Mumwe mugari wepaNovember village kuNyamakate VaClaudius Makina avo vakapiwa munda wekurima vanoti vakafunga zvekutengesa uswa nekuda kwekuti hapana chavaiwana pakurima sezvo zvirimwa zvavo zvichidyiwa nemhuka.

VaMakina vanoti vari kurarama zviri nani kuburikidza nekutengesa uswa. VaMakina vanoti vanowana madhora mazana mana pamwedzi.

Nyamakate yakaganhurana nenzvimbo inochengeterwa mhuka yeKariba Game Reserve. Amai Joana Pfumbidzayi vanoti vave nemakore matatu vachitengesa uswa asi vanoti zvinoda kushanda zvakasimba.

Amai Pfumbidzai vanoti vavekukwanisa kutenga zvekurimisa pamwe nezvekudya kuburikidza nekutengesa uswa.

Asi vanotengesa uswa ava vanoti kunyange hazvo vachimbotengerwa nevanhu vanobva kune dzimwe nyika dzakaita sezambia, bhizinisi rekutengesa uswa rine nguva zvikuru munguva yechirimo uye rinombononoka kufamba sezvavanenge vakatarisira.

Vagari vekuNyamakate vanotengesa uswa vanoti vane tariro yekushambadzira bhizinisi ravo kunzvimbo dzakawanda munyika kusanganisira kuvanhu vari kuvaka sezvo veruzhinji vave kufarira kupfirira dzimba dzavo nehuswa.

Hongu hupfumi hwenyika hauna kumira zvakanaka asi vanhu vekuNyamakate vanoti havasi kuzogarira maoko vachinonga svosve nemuromo.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG