Accessibility links

Breaking News

VaBiti Vanoti Hupfumi Huchatora Makore Kugadzirisa muZimbabwe


VaTendai Biti
VaTendai Biti
Vaimbova gururukota rezvemari, uye vari munyori mukuru muMDC-T, VaTendai Biti, vanoti hupfumi hwenyika hwaenda kumawere zvekuti zvinogona kutotora makore anodarika gumi nemashanu kuhugadzirisa.

VaBiti vataura mashoko aya vachipindura zviri kuyedzwa kuitwa negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa veZanu-PF, zvekuda kukwezva vekunze nekumutsiridza hupfumi.

VaChinamasa vakaudza vatori venhau neChitatu kuti hurumende icharerutsa mutemo wekuendesa hupfumi kuvatema kunyange hazvo isiri kuuvandudza mudare reparamende.

Mutemo uyu unosungira vekunze vane makambani munyika nevari kuda kuvamba makambani kuti vape vatema zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana.

Asi VaChinamasa vanoti vemabhanga nevamwe vachambosiyiwa vakadaro sezvo mutemo uyu uri kuvhundutsira vanoda kudyara mari dzavo munyika.

Gurukota rezvekuendesa hupfumi kuvatema, VaFrancis Nhema, vari kutarisirwa kutura kudare remakurukota makambani achamboregererwa.

Vakuru muhurumemende nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi vanoti hurumende iri kuita izvi mukuyedza kumutsiridza hupfumi hwaenda kumawere.

Makambani akawanda ari kuvhara uye vanhu havachatenge zvinhu muzvitoro zvokonzera kuderera kwemitengo yezvinhu kana kuti deflation.
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG