Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yobhadharisa Mitero Vanoita Mabasa eMaoko


VaPatrick Chinamasa
VaPatrick Chinamasa
Hurumende inoti iri kushanda zvakasimba kuti isimbaradze chirongwa chekubatira mitero vanhu vose vanoita mabasa emaoko kana vane mabhizimisi madiki.

Hurumende inoti ine fungidziro yekuti mabhizimisi madiki aya, kana kuti Small and Medium Scale Enterprises ane mari iri kutenderera imomo inosvika mabhiriyoni manomwe.

Mashoko aya anotevera zviri kutaurwa nehurumende zvekuti iri kutadza kuwana mari yakakwana yemitero sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka muhupfumi zvapa kuti makambani akawanda avharwe.

Ongororo yakaitwawo ne Finscope MSME muna 2012 yakaratidza kuti vanhu vanosvika mamiriyoni mashanu nemazana masere vari kuzviitira mabasa avo.

Finscope inounza pamwe hurumende, sangano reZimbabwe Multi Donor Trust Fund, World Bank neFinmark Trust.

Ongororo iyi yakaratidzawo kuti vanhu zvikamu makumi mana nezvitanhatu kubva muzana vane makore anodarika gumi nemasere vari kuzviitira mabasa avo.

Dunhu reMashonaland East ndiro rine vanhu vakawanda vanonzi vanozviitira mabasa avo.

Vachitaura pamusangano weNational Business Council of Zimbabwe neMuvhuro, mukuru weZIMRA, VaGershom Pasi, vanoti vave kushanda nemakurukota anoona nezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema uye gurukota rezvematunhu kuti vaone kuti vobhadharisa vanhu ava sei mitero.

VaPasi vakatiwo hurumende ichashanda nevanozviitira mabasa avo ava. Asi vachitaura pakuparurwa kwebhajeti gore rapera, negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vaimbova gurukota rezvemari, VaTendai Biti ve MDC-T, vakakurudzira kuti hurumende isangopembedza vemabhizimisi madiki ichisiya kumutsiridzawo mabhizimisi makuru.

Studio 7 haina kukwanisa kubata VaChinamasa kuti vatipewo divi ravo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaWashington Mehlomakulu, avo vanoshanda nesangano reResource Exploitation Watch, iro rakarerekera ku Zanu-PF vanoti zviri kuda kuitwa nehurumende zvinhu zvakanaka.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanotiwo hurumende haifanire kungonokohwa mari isiri kubatsirawo vemabhizimisi madiki aya.

VaChitambara vanoti vanhu ava vanofanira kupihwa mari dzezvikwereti nekuvakirwa pekuitira basa.
XS
SM
MD
LG