Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau Vodyira Econet Marasha


Va Foster Dongozi
Va Foster Dongozi

Vatori venhau vamuka chibhebhenenga neChishanu vakarambidza gweta reEconet, VaTawanda Nyambirai, pamwe nevakasanobata chinzvimbo chemukuru webhanga reSteward, VaLance Mambondiani, kuti vataure pamusoro pekusechwa kwakaitwa sangano renhau reThe Source neChina.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vatori venhau vati vaviri ava vaifanira kutanga vakumbira ruregerero pane zvakaitika asi VaNyambirai naVaMambondiani varamba izvi zvabva zvakonzera muchokoto pamwe nekumiswa kwemusangano uyu.

Zhowe zhowe yatanga apo vatori venhau vange vachisvika makumi mashanu varamba kuti munato wekuvhura musangano uitwe vachiti kambani idzi dzainge dzisina kutanga dzaita munato apo dzakasecha mahofisi eThe Source neChina.

Apo VaNyambirai vaedza kuveranga gwaro ravange vainaro, vatori venhau vabva vasimuka ndokuvatenderedza vachivabvunza kuti sei kambani yavo iri kumbunyikidza vatapi venhau.

Mushure mekukandirana makobvu nematete kwenguva yakati kuti vatapi venhau vabva vabuda muhotera yange ichifanira kuitirwa musangano uyu ivo VaNyambirai nevamwe vavo vachibva vabudawo uye ndipo pabva paperera musangano.

Munyori mukuru wesangano revatori venhau, reZimbabwe Union of Journalists, VaFoster Dongozi, vati hazvaiita kuti vatapi venhau varege Econet neSteward dzichitaura zvadzinoda sezvo vachakatsamwa nezvekaitika neChina.

Sachigaro weMedia Institute of Southern Africa, VaKumbirai Mafunda, vati chavatsamwisa inyaya yekuti makambani aya aramba kukumbira ruregerero.

Mumwe mutapi wenhau anoshanda akazvimirira, Jeffrey Moyo, ati zvaitwa nhasi iyambiro kune vemakambani kuti havasi kuzobvuma kuti vanhu vane mari vatyore kodzero dzevatapi venhau.

NeChina chikonzi chehurumende chakasecha mahofisi eThe Source chichitsvaga magwaro anonzi neEconet ne Steward akawanikwa zviri kunze kwemutemo nekambani yenhau yeThe Source apo yakanyora nyaya mbiri pamusoro pekambani yeEconet and bhanga reSteward.

Nyaya idzi dzinosanganisira kukwereteswa mari inosvka mamiriyoni makumi matatu emadhora kwakaitwa hurumende ne Econet uye chikwereti chemari inodarika mamiriyoni maviri chine kambani yamuzvinabhizinesi Philip Chiyangwa kubhanga reSteward.

Econet ikambani yamuzvinabhizinesi ane mukurumbira VaStrive Taputaira Masiyiwa.

XS
SM
MD
LG