Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yowana Zvidziso Zvakanangana neEbola


.
.

Sangano re Zimbabwe Medical Association rinoti vashandi vezvehutano munyika vari kuwana dzidzo yepamusoro pamabatirwo anoitwa munhu anenge ane chirwere che Ebola.

Munyori mukuru wesangano iri, Doctor Douglas Gwatidzo, vanoti bazi rezvehutano riri kushanda nesangano reWorld Health Organisation muzvirongwa zvekudzidzisa vana chiremba, vana mukoti nevamwe kuti vanobata seyi vanhu vanenge vachifungidzirwa kuti vane chirwere ichi.

Vamwe vashandi vezvehutano munzvimbo dzekuWest Africa vakashaya mushure mekubatwa ne Ebola vachiedza kubatsira varwere vakanga vabatwa nechirwere ichi.

Sangano re World Health Organisation rinoti chirwere ichi chaura vanhu vanodarika chiuru nemazana mana munyika dzinoti Sierra Leone, Liberia, Guinea ne Nigeria.

Pari zvino pane vamwe vanhu vakabatwa naechirwere ichi ku Democratic Republic of Congo, uko kunoendwa nevatyairi vamarhori vemuImbabwe vanenge vari pabasa.

Doctor Gwatidzo vanoti vanokurudzira mashoko egurukota rezvehutano, Doctor David Parirenyatwa, ekuti vanhu vambomira kushanya kunzvimbo dzine chirwere ichi.

Hurukuro NaDoctor Douglas Gwatidzo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG