Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vopihwa Bhonasi Muna Mbudzi, Vamwe Muna Zvita


VaNicholas Goche
VaNicholas Goche

Hurumende inoti homwe yayo yakabooka zvekuti vamwe vashandi vayo havasi kuzowana mari yebhonasi mwedzi uno izvo zvisina kufarirwa nemamwe masangano anomirira vashandi vehurumende.

Vachitaura ne Studio7 mushure mekuita musangano nevamiriri vemasangano evashandi vehurumende mu Harare nhasi, gurukota rinowona nezvevashandi, Va Nicholas Goche, vati nepamusana pekuti mari haisi kukwana, hurumende ichibhadhara mari dzebhonasi muzvidimu zvidimu.

Va Goche vati hurumende yakatora danho iri mushure mekuita hurukuro nebazi rinowona nezvemari iro rakavaudza kuti mari haisi kukwana.

Asi munyori mukuru musangano rinomirira vadzidzisi re Progressive Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti PTUZ, Va Raymond Majongwe, vanoti vashandi vehurumende vanofanira kubatwa zvakaenzana.

Mutungamiri we Progressive Educators Union of Zimbabwe, kana kuti PEUZ, Va Wilson Makanyaire, vatiwo hurumende inofara kumira pachokwadi kwete kungovimbisa zvinhu zvaisingazoita.

Zvichakadai, Va Goche vati nhaurirano panyaya dzekuwedzerwa kwemari dzemihoro kungangotanga mwedzi unouya.

Asi Va Majongwe vaudza hurumende kuti pakashaya chinobuda munhaurirano idzi, vadzidzisi pamwe nevamwe vashandi vehurumende vachatanga kuramwa mabasa.

Vashandi vehurumende vanoti vari kuda kuwedzerwa mari dzavanotambira kuitira kuti mushandi anotambira mari yepasipasi asatambire mari iri pasi pemadhora mazana matanhatu ane makumi masere emadhora pamwedzi.

Ongororo ichangobva kuitwa esangano reConsumer Council of Zimbabwe inoti mhuri ine vanhu vashanu inoda mari inoita mazana mashanu nemakumi mapfumbamwe nemaviri emadbora pamwedzi kjtk irarame.

Pari zvino mushandi wehurumende anotambira mari yepasi pasi anotambira mazana maviri nemakumi mashanu emadhora pamwedzi.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG