Accessibility links

Breaking News

Zvimwe Zvizvarwa ZveZimbabwe Zviri Kunze Kwenyika Zvoshuwira Kudzokera Kumusha


Zvimwe zvizvarwe zveZimbabwe zvinoti kunyangwe hazvo zvinhu zvakawoma munyika parizvino shuwiro yavo ndeyekudzokera kune rukuvhute sezvo kwavaiti kumafuro manyora kune dzimwe nyika kwavakapotera kwava nhava izere mhepo.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muhupoteri muBotswana, VaJohn Moyo vanoti zvinhu kwavari uchiri mukwidza.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvizhinji zvakasiya nyika mugore ra 2008 apo hupfumi hwenyika hwakatanga kuwondomoka zvichinotsvaga chouviri kune dzimwe nyika.

Nyaya yemhirizhonga munyaya dzezvematongerwo enyika yakapawo kuti vamwe vanhu vaende muhupoteri.

VaMoyo vanoti mhuri yavo yakasara kuBulawayo uko varikuchengetwa nemudzimai wavo anombopota achivashanyika kuBostwana asi izvi hazvisi vati izvi zvakaomera mhuri yavo.

VaMoyo vanoti shuwiro yavo ndeyekuti vana vavo vawane dzidzo yepamusoro Vanoti mune remangwana varikuda kudzokera kuZimbabwe nyika yechipikirwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Kunyanngwe zvinhu zvakaoma, zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinonzi zvakatumira kumusha mari inosvika mamiriyoni mazana masere nemana mugore rapera ra 2014, ichikwira kubva pamari inoita mamiriyoni mazana manomwe nemakumi mapfumbamwe yakatumirwa kumusha mugore ra 2013.

Mashoko aya akaburitswa nagavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya pavakaparura hurongwa hwekushandiswa kwemari gore rino.

Mari inotumirwa nezvizvarwa zvenyika zviri kunze iyi inonzi inobatsira hurumende nenzira dzakawanda zvinozobatsirawo mukusimudzirwa kweupfumi hwenyika.

Asi zvimwe zvizvarwa izvi zvinoti kuti zviwane mari iyi zvinenge zvashanda zvakaomarara.

XS
SM
MD
LG