Accessibility links

Breaking News

Hondo yeMasimba Yotsviriridza muZanu PF VaMugabe Vakangonyarara


Protagonists in the escalating Zanu PF power struggles, Justice Minister Emmerson Mnangagwa and Vice President Joyce Mujuru. Collage by Ntungamili Nkomo
Protagonists in the escalating Zanu PF power struggles, Justice Minister Emmerson Mnangagwa and Vice President Joyce Mujuru. Collage by Ntungamili Nkomo

Zvinhu zvasvika pakaipisisa mu Zanu PF izvo zvisati zvaimboitika kubva nyika yawana kuzvitonga muna 1980.

Vakuru mubato iri vari kufumurana pamwe nekunyombana pachena mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, vakangotarisa pasina kana matanho avari kutora kudzimura moto uri mumba mavo.

VaMugabe, avo vari ku China, vari kutarisirwa kudzoka ne Svondo. Vanonzi pavari kusvika kumusha vari kutambirwa nechimoto chiri mubato nekuda kwemakakatanwa aunzwa nevanhu vari kurwira kuzovatsiva kana vasiya chigaro.

Vamwe vacho vanonzi vanodawo kutora zvigaro pakongiresi yebato muna Zvita. Vanonzi vari kunetsana mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joyce Mujuru, negurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa.

Asi vaviri ava vanoramba kuti vane zvikwata zvavanotungamira.

Sachigaro weZanu-PF, VaSimon Khaya Moyo, neChitatu vakakurudzira vanhu kuti vamire kungotaura kumapepanhau uye kungozvuzvurudza zita remudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, mumadhaka.

Amai Mugabe vakasarudzwa nesangano remadzimai kuti vatungamire Women’s League.

Izvi zvakatsigirwawo nevechidiki. Zvave kuPolitiburo yebato kuti yovatambira here.

Vamwe vakuru vemubato vari kunzi vari kutsigira chikwata chiri kutungamirwa naVaMnangagwa vanoti vari kuda kuudza VaMugabe panhandare yendege neSvondo kuti mumusangano mapindwa napongwe. Vanhu ava vari kutungamirwa nasachigaro wevechidiki muZanu-PF mudunhu reHarare, VaGodwin Gomwe.

Zvikwata zviviri izvi zvinonzi zvave kusimbisawo nyaya yekuti VaMugabe vadzinge mubato vavanenge vasiri kuwirirana nawo.

Paitawo kunetsana kwakanyanya mubato pamusoro pebepanhau reHerald vamwe vachiti riri kutora divi richisvibisa chikwata chinofungidzirwa kuti chiri kutsigira Amai Mujuru.

Vamwe vanoti bepanhau iri rinofanira kupinzwa mugwara pamwe chete negurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJonathan Moyo, avo vanonzi vari kuchikwata chaVaMnangagwa.

Bepanhau reHerald riri kuburitsa nyaya dzinoshora vose vanonzi vari kutsigira Amai Mujuru kusanganisa munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa mubato, Didymus Mutasa.

Hatina kukwanisa kubata VaMoyo kuti tinzwe divi ravo.

Asi mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti kune vakuru mubato vari kushandisa Herald kushoropodza vamwe vakuru vakuru mubato. VaGumbo vati Herald ibepanhau rehurumende nokudaro harifanirwe kuburitsa nyaya dzinosvibisa chimiro chehurumende.

Vatiwo bato ravo richagara pasi rozeya zviri kuitika kubepanhau iri kuitira kuti zvisaitwe zvakare.

Hurukuro naVaRugare Gumbo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG