Accessibility links

Breaking News

MDC T Inoramba Kuti Ichapa Masimba Akawanda kuMutungamiri Wayo


Mutauriri weMDC T VaDouglas Mwonzora
Mutauriri weMDC T VaDouglas Mwonzora

MDC T inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti haisati yatanga kuvandudza bumbiro rebato kanawo hurongwa hwekuti mutungamiri webato iri, ave ivo zvakare munyori wekutanga sezviri kuburitswa mune mamwe mapepanhau.

Mugwaro raburitswa nemutauriri webato iri, VaDouglas Mwonzora, MDC T yarambawo zvakare mashoko ekuti ichavandudza bumbiro rayo kuitira kutapudza masimba emunyori mukuru webato.

Vanoti chavachaita chete kupatsanura mabasa emunyori mukuru kubva kune emutungamiri, kwete kutora hurongwa hweZanu PF hwekuti mutungamiri webato ndiye zvakare anove munyori mukuru.

VaMwonzora vanoti kana vave kuvandudza bumbiro ravo, bato ravo rinopa munhu wese mukana wekupa pfungwa dzake pane zvaanofunga kuti zvivandudzwe kana kuiswa mubumbiro kongiresi isati yasvika.

Vanoti pane komiti inotungamirwa naVaMorgen Komichi, iyo ichaongorora zvichabva muvanhu kana zvichikodzera kupinzwa mubumbiro rebato, izvo zvichazokurukurwa kukongiresi muna Gumiguru.

VaMwonzora vanoti nhengo dzebato ndidzo dzinosarudzawo zvakare vanhu vadzinofunga kuti vanokwanisa kutungamira bato, kwete kuti hutungamiri ndihwo hunosarudza.

Vaudzawo Studio 7 kuti bato riri kuziva kuti kune vamwe vatungamiri vatotanga kutsvaga rutsigiro nerweseri kuti vazopiwa zvigaro pakongiresi, danho ravashora zvikuru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG