Accessibility links

Breaking News

MDC T Inoramba Kuti Midziyo yeBato Ichatengeswa


Mutauriri weMDC T VaDouglas Mwonzora
Mutauriri weMDC T VaDouglas Mwonzora

Bato reMDC T raramba mashoko ekuti midziyo yaro inosanganisira dzimotokari pamwe nemba yemutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai, zvingangotengeswa kuitira kuti paunganidzwe mari dzekubhadhara vashandi gumi nevatatu vanonzi vakaburitswa basa zvisina kutsarukana muna 2010.

Izvi zvinonzi zvinotevera mutongo wakapiwa nedare repamusoro muna Chikunguru gore rino, iro rinonzi rakatonga kuti vashandi ava vabhadharwe mari dzavo.

Asi mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, avo vatenda kuti kune vashandi vakamiswa mabasa vasati vabhadharwa mari dzavo, vanoti bato ravo raonesana nemagweta ari kumirira vashandi ava, eManase and Manase Legal Practitioners, kuti kusabhadharwa kwevashandi ava kwakakonzerwa nevakabuda mubato iri.

Vanoti vaive munyori mukuru muMDC-T, VaTendai Biti, pamwe nevaive mutevedzeri wemubati wehomwe, VaElton Mangoma, avo vave kuchikwata cheMDC Renewal Team, ndivo vakaburitsa vashandi ava mabasa, uye vakatakura mafaira enyaya dzevashandi ava pavakasiyana nechikwata chavo.

Bepanhau reHerald rinoti midziyo inogona kutengeswa inosanganisira imba yaVaTsvangirai yekuStrathaven, imba iri kwaSeke kuChitungwiza, pamwe nedzimotokari makumi matanhatu nembiri dzebato iri.

Studio7 yakundikana kubata magweta eManase and Manase sezvo nhare dzekambani iyi dzanga dzichingorira dzisingadairwi.

Tatadzawo kubata VaBiti kuti tinzwe divi ravo, asi VaMangoma, avo vanonzi naVaMwonzora vaishanda naVaBiti panyaya iyi, varamba mashoko aVaMwonzora ekuti vane chekuita nekusiiswa basa uye kusabhadharwa kwevaive vashandi ava.

VaMangoma vanoti vashandi vezvekuchengetedzwa kwebato ava vaishanda pasi paVaTsvangirai uye pavakasiya mabasa kubato reMDC vakanopinda mabasa kuhofisi yaVaTsvangirai panguva yavaive mutungamiri wehurumende.

Vatiwo vari kurongawo kuti vaone kuti vashandi ava vabhadharwa mari dzavo, idzo dzinonzi dzinodarika mazana mana nemakumi mapfumbamwe ezviuru zvemadhora.

XS
SM
MD
LG