Accessibility links

Breaking News

Hurumende, Vashandi neVashandirwi Vanotadza Kuwirirana paMusangano weTNF


VaNicholas Goche
VaNicholas Goche

Gurukota rezvevashandi, VaNicholas Goche, vasangana neChitatu nevamiriri vevashandi pamwe nevashandirwi pamusangano weTripartite Negotiating Forum TNF.

Musangano uyu unonzi wazeya nyaya dzinosanganisira dzekuti nzira dzekuti mitemo yemabasa ingavandudzwa sei kuitira kuti ifambirane nemitemo yepasi rose.

Imwe nyaya huru inonzi yazeyiwawo mumusangano uyu iri pamusoro pekuti nhaurirano dzemapoka matatu aya dze TNF dzive mutemo pasi kuitira kuti zvinenge zvazosungwa mumisangano ichaitwa pasi pe TNF zvisimbiswe.

Asi zvinonzi mapoka matatu aya haana kuwirirana panyaya yekugumurwa kwevanhu iri pasi pemitemo yemabasa, izvo zvinonzi zvazoita kuti paumbwe komiti ine vanhu vatatu ichazeya zvatadza kuwiriranwa izvi zvisati zvasvitswa kuvakuru vemapoka matatu aya nemusi weMuvhuro.

Zvinenge zvazosungwa nevakuru veTNF ava zvinonzi zvichazoendeswa kudare remakurukota, iro rinotarisirwa kuzotarisa nyaya idzi.

Munyori mukuru wesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti vashandirwi nehurumende vanenge vari kuwirirana pakuti vashandi vagumurwe pasina kutaurirana, danho ravanoti rinotyora kodzero dzevashandi.

VaMoyo vanotiwo musangano uyu wabatawo nyaya dzekuramwa mabasa kwevashandi, kunyange hazvo vati havasati vave kuda kutsanangura zvose zvavakurukura.

Studio7 haina kukwanisa kubata VaGoche kanawo mumiriri wevashandirwi kuti tinzwe mativi avo panyaya dzakurukurwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG