Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeChitungwiza Yoenderera Mberi Ichimbomisa Vashandi Mabasa


Chitungwiza
Chitungwiza

Kanzuru yeChitungwiza inonzi yaenderera mberi nekupa vamwe vashandi matsamba ekumbovamisa mabasa vachinzi vakarovha mabasa panguva iyo vashandi vairamwa mabasa muna Chikunguru.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti kanzuru ine hurongwa hwekupa vashandi vanodarika mazana masere nemakumi mapfumbamwe matsamba ekumbovamisa mabasa.

NeChipiri kanzuru iyi inonzi yakapawo matsamba ekumbomisa basa vashandi vanodarika zana.

Kanzuru yeChitungwiza inonzi ine vashandi chiuru nemazana matanhatu.

Vashandi vanga vachiri pamabasa vanga vakarongawo kuratidzira nemusi weChitatu vachitsutsumwa nedanho rakatorwa nekanzuru rekumbomisa basa vatungamiri vevashandi vatanhatu vachipomerwa mhosva yekufurira vamwe vavo kuti varamwe mabasa.

Asi imwe nhengo yesangano revashandi vekanzuru, Muzvare Fortunate Mushonga, vanoti danho iri harina kuzoitika sezvo vamwe vashandi vapindwa nekutya zvichitevera kumiswa kwevamwe vavo mabasa.

Vatungamiri vevashandi vatanhatu vakamiswa mabasa ava vari kutarisirwa kumiswa pamberi pekomiti inoranga vashandi nemusi weChina kuti vapewo divi ravo panyaya iyi.

Studio7 yakundikana zvakare kubata vakuru vekanzuru yeChitungwiza kuti tinzwewo divi ravo.

Vashandi vakapinda mukuramwa mabasa kwemazuva mashanu mwedzi wapera vachida kuti vapiwe mari dzavo dzemihoro nedzekubatsirikana dzakanga dzave nemwedzi gumi nemina vasina kupiwa.

Hurukuro naMuzvare Fortunate Mushonga
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG