Accessibility links

Breaking News

Chitungwiza Inombomisa Basa Vashandi Vanodarika Zana


Chitungwiza
Chitungwiza

Kanzuru yeChitungwiza yapa vamwe vashandi vanodarika zana matsamba ekumbovamisa mabasa ichivapomera mhosva yekusaenda kubasa panguva yairamwa vashandi vekanzuru iyi mabasa muna Chikunguru.

Vakafanobata chigaro chemunyori wesangano revashandi vekanzuru yeChitungwiza, VaErnest Chikwaro, vanoti matsamba apiwa vashandi aya asainwa nevatungamiri vemapazi avanoshandira zvichibva kumunyori mukuru wekanzuru, VaGeorge Makunde.

Vashandi ava vachazomiswa pamberi pekomiti inoranga vashandi, uye zvikaonekwa kuti vakatyora mitemo yepabasa, vanobva vadzingwa basa zvachose.

Danho rekanzuru iri rinouya panguva iyo vashandi vakanga vapawo kanzuru yavo mazuva matatu ekuti idzore pamabasa vatungamiri vevashandi vatanhatu vakamiswa mabasa vachipomerwa mhosva yekufurira vamwe vavo kuramwa mabasa.

Mazuva matatu aya apera neChipiri nenguva dzapedza vanhu mabasa pasina matanho anga atora nekanzuru ekuti ingadzosa vashandi ava pamabasa here kana kuti kwete.

Kana zvikabudirira sekuronga kwavo, vashandi ava vanenge votanga kuratidzira kana kuramwawo mabasa neChitatu.

Studio 7 yakundikana kubata VaMakunde kanawo meya weChitungwiza, VaPhilip Mutoti, kuti tinzwe divi rekanzuru sezvo nhare dzavo dzanga dzisingabatiki.

Vashandi veChitungwiza vakaramwa mabasa kubva musi wa 4 kusvika musi wa 10 Chikunguru vachida kuti vapiwe mari dzavo dzemihoro dzemwedzi gumi nemina dzavakanga vasina kupiwa.

Sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rakashorawo zvikuru danho rakatorwa nekanzuru rekumisa hutungamiri hwevashandi mabasa richiti zviri kunze kwemutemo wezvemabasa.

Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti nyaya yekuvhundutsirwa kwevatungamiri vemasangano evashandi ndiyo imwe yenyaya dzavakakurukura kumusangano wakaitwa mwedzi wapera wevashandi, vashandirwi pamwe nehurumende, kana kuti Tripartite Negotiating Forum.

VaChikwaro vanoti vanozviziva kuti danho riri kutorwa nekanzuru ndere kuda kutyisidzira vashandi nekuvapatsanura, asi ivo vachatsigirwa nemutemo wezvemabasa unovabvumidza kuratidizira kana mushandirwi akada kuvhundutsira hutungamiri hwevashandi.

Hurukuro naVaErnest Chikwaro
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG