Accessibility links

Breaking News

Musangano weUNGA Unotanga VaObama Vachiudza Pasi Rose Kuti Rirwise Hugandanga


VaBarack Obama
VaBarack Obama

Musangano we United Nations General Assembly watanga zviri pamutemo neChitatu mu New York, munyori mukuru we United Nations, Va Ban Ki Moon, vachikurudzira vatungamiri venyika pasi rose kuti vashande zvine simba mukupedza mvongamupopoto munyika dzakawanda pasi rose.

Vachitaura pakuvhurwa kwemusangano uyu, VaBan vati hutungamiri hwakasimba huri kudiwa kuti pasi rose rigadzikane munyaya dzakawanda vachiti madzimai nevana ndivo vanotambudzika zvikuru munguva yehondo kana kusagadzikana kwenyika pasi rose.

VaBan vatiwo panodiwa mhinduro nepasi rose pazvinhu zviri kuitwa nezvikwata zvakaita se Islamic State. Vati panodiwa matanho anopedza mhirizhonga iyi, uye vanhu vanofanira kutaura vasina kwavakarerekera pamusoro pezviri kukonzera kuti pasi rino risave nekugadzikana.

Vachitaurawo pamusangano uyu, mutungamiri we America, Va Barack Obama, vatiwo pasi rose rinofanirwa kubatana mukurwisa hugandanga huri kuitwa nemasangano akaita seIslamic State. VaObama vatiwo nyaya dzinokurudzira hugandanga dzinofanira kupedzwa pasi rose kuitira kuti matororo ashaye kwekutora vechidiki vanouraya vanhu.

VaObama kurudzira nyika dzepasi rose kuti dzibatane mukubatsira Africa kurwisa chirwere che Ebola vachiti chikasiyiwa chichienderera mberi chinopararira pasi rose.

VaObama vaudzawo musangano uyu kuti pasi rose riri kuonawo zviri kuitika muAmerica, vakati ichokwadi kuti America ine zvinoinetsawo zvakaita sekuurayiwa kwemukoma mutema mu Ferguson nemupurisa wechichena. Asi vati nyika yavo iri mubishi rekugadzirisa zvinhu zvinoita kuti vanhu vapesane.

Mutungamiri weAmerica atorawo mukana uyu kushora zviri kuitwa neRussia muUkraine.

Mune chimwe chiitiko, gurukota rezvemamiriro ekunze, Va Saviour Kasukuwere, vakataura nezuro manheru vakamirira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachiti nyika dze Sadc dziri kutambudzika nenyaya yenzara, kushaikwa kwemvura kana kuwandisa kwayo kuburikidza zvichikonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze.

VaKasukuwere vakakurudzira nyika dzepasi rose idzo vakati ndidzo dziri kunyanya kusvibisa pasi rose kuti dzibatsire Africa kuti isanyanyorwadziwa nekuchinja kuri kuita mapisiro ekunze kuburikidza nenzara nezvimwe zvakadaro.

VaMugabe vari kutarisirwa kutaura mu General Assembly mangwana. Vatungamiri venyika dzinodarika zana nemakumi mana vakaungana mu New York kumusangano wepagore we United Nations General Assembly.

Kunyange hazvo VaMugabe vakatemerwa zvirango zvekusashanyira America, vakakwanisa kuuya kuAmerica vakaberekwa ne United Nations iyo ine muzinda wayo muNew York.

Kunyange hazvo vari muAmerica, VaMugabe havabvumidzwe kufamba nzendo inodarika mamaira makumi mana kubva panhandare yendege yavakasvikira.

Nyaya Ina Sandra Nyaira
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG