Accessibility links

Breaking News

VaSikhala naVaHlalo Vokonzera Mutauro muMDC-T


VaJob Sikhala
VaJob Sikhala

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka mubato re MDC-T zvichitevera musangano we National Executive Committe wakaitwa neMugovera.

Musangano uyu wakabuda nezvisungo zvinosanganisira kurambidza vaimbova mumiriri we Saint Marys’ mudare reparamende, VaJob Sikhala, kukwikwidza pachigaro chemutevedzeri wemirongi yemisangano pakongiresi iri kuitwa kupera kwemwedzi uno.

VaSikhala vakanga vadomwa nematunhu mashanu. Komiti iyi yakatiwo seneta weMakokova, Va Matson Hlalo, vambomiswa kuita nhengo yebato zvichitevera kupomerwa mhosva yekutuka vakuru vebato.

MDC-T inoti ichiri kuzeya nyaya yavari kupomerwa. Asi VaHlalo vakahwina nyaya yekupikisa kwavo sarudzo dzasachigaro webato iri dzakaitwa muBulawayo.

Dare reHigh Court rakabvumirana navo kuti vakahwina musarudzo idzi, uye vakanga vasarudzwa, VaGift Banda, vakanga vasina kukodzera kukwikwidza.

Kumiswa kwaVa Hlalo pamwe nekurambidzwa kwaVa Sikhala kukwikwidza kwakonzera kusawirirana mubato sezvo dzimwe nhengo dzisingabvumirani nezvisungo izvi.

VaSikhala vachinyora paFacebook yavo, vari kushora zvikuru vanhu vavanoti ndivo vakapa kuti National Executive itore danho iri.

Studio7 haina kukwanisa kutaura nemutauriri weMDC-T, Va Douglas Mwonzora. VaSikhala pachavo varamba kutaura nesu.

Asi imwe nhengo ye MDC-T, Amai Theresa Makone, vaudza Ntungamili Nkomo weStudio7 kuti chisungo che National Executive chinogona kuraswa ne National Executive Council yebato.

VaHlalo vanoti vanga vasati vapihwa magwaro ekuvamisa kuva nhengo yebato.

XS
SM
MD
LG