Accessibility links

Breaking News

VaRuhanya Vanoti Mutemo Habvumidze VaMugabe Kudzinga Amai Mujuru Muhurumende


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika uye vari mukuru wesangano re Zimbabwe Democracy Institute, kana kuti ZDI, Va Pedzisai Ruhanya, vanoti bumbiro idzva remitemo yenyika haribvumire mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, kuita madiro aJojina panyaya yekudzinga muhurumende mutevedzeri wavo, Amai Mujuru.

Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vari kukurudzira kuti Amai Mujuru vasiye chigaro chavo nechimbichimbi vachivapomera mhosva dzehuori, kusagona basa, kutengesa kunyika dzekunze pamwe nekuronga zvekubvisa Va Mugabe pachigaro nechisimba.

Pakutanga kwesvondo rino, Amai Mugabe vakakurudzira zvakare murume wavo kuti ashandise masimba ake mukudzinga Amai Mujuru basa remuhurumende. Asi Va Ruhanya vanoti Va Mugabe vakasungwa mbira dzakondo nemutemo.

Va Ruhanya vanotiwo Va Mugabe vanogona kushaya rutsigiro rwakakwana rwenhengo dzeparamende pamwe nedare reseneti sezvinodiwa nemutemo kuti vakwanise kubvisa Amai Mujuru pachigaro.

VaRuhanya vanoti Zanu PF ingangokwanisa chete kubvisa Amai Mujuru semutevedzeri waVa Mugabe mubato chete, asi haikwanise kuvabvisa pachigaro chavo chemutevedzeri wemutungamiri wenyika.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, Va Takura Zhangazha, vanoti Va Mugabe vanokwanisa kudzinga Amai Mujuru basa sezvo vari ivo vakavadoma kuti vave mutevedzeri wavo.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinotiwo kusawirirana mu Zanu PF kuri kukonzerwa nekugarisa kwaita Va Mugabe pachigaro.

Zvinonzi pane zvipoka zviviri muZanu PF zviri kurwira kutora masimba kubva kuna Va Mugabe pavachasiya chigaro.

Chimwe chezvipoka izvi chinonzi chiri kutungamirwa naAmai Mujuru, uye chimwe chinonzi chiri kutungamirwa negurukota rezvemitemo, Va Emmerson Mnangagwa.

Asi vaviri ava vanoti havana zvikwata zvavanotungamira kunyange hazvo Politiburo yeZanu PF yakati ichaferefeta nyaya iyi.

Politiburo yeZanu PF iri kutarisirwa kusangana neMugovera kuti izeye nyaya yekuvandudzwa kwebumbiro rebato sezvo paine vamwe vari kuda kuti zvigaro zvese zvemubato iri zviitwe zvekudomwa nemutungamiri webato.

Zvinonzi vanhu vanonzi vari kutsigira VaMnangagwa vari kuti chigaro chemutungamiri webato chive ndicho chete chinokwikwidzwa kuitira kuti anenge adomwa asarudze vanhu vaanoda kushanda navo.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG