Accessibility links

Breaking News

VaMangoma Vanoroverwa Mukadzi weMunhu?


mangoma
mangoma

Zvinonzi kwaita mhirizhonga kumahofisi eMDC Renewal Team pamusangano wanga uchiitwa nekomiti yapamusoro yebato iri zvichitevera nyaya yekudanana nemukadzi wemunhu iri kupomerwa mubati wehomwe mubato iri, Va Elton Mangoma.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Paita bata murefu bata mupfupi pamahofisi aya ku Eastlea mu Harare panga pachiitwa musangano weNational Executive mumhirizhonga inonzi yaita kuti mahwindo emahofisi aya apwanywe uye Va Mangoma varohwe nevechidiki vanzi vauya nenhengo yepurovhinzi mubato iri, Va Believe Tevera, avo vanonzi mukadzi wavo, Amai Yemurai Maravanyika, vari kudanana naVaMangoma.

Mutauriri weMDC Renewal, Va Jacob Mafume, vaudza Studio7 kuti nyaya yaVa Mangoma inyaya yavakamirira kuti matare atange aizeya.

Kunyange hazvo Va Mafume varamba kuti havana chavanoziva nezvenyaya iyi, vati vakamirira kunzwa kune vanochengetedza hutungamiri hwavo pamwe nevanochengetedza mahofi aya kuti vataure nezvekupwanywa kwaitwa mahwindo pamahofisi aya.

Pasvika Studio7 pamahofisi apa, mahwindo anga akapwanyika uye dzimwe nhengo dze MDC Renewal Team dzanga dziri pamhahofisi apa dzati mahwindo aya apwanyika panga pachirovana vechidiki vanga vachitsigira Va Tevera pamwe nevechidiki vanga vachitsgira Va Mangoma.

Hatina kukwanisa kutaura naVa Mangoma nezvenyaya iyi sezvo vanga vachiti vari mune mumwe musangano.

Nekune rumwe rutivi, Va Tevera vanga vadzimawo nharembozha yavo pataenda pamhepo.

Zvichakadai, mutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, vati havakwanise kutaura nezvenyaya iyi sezvo vati havasati voziva kuti nyaya iyi yamhangarwa here kana kuti kwete.

Zvichakadai, Va Mafume vati musangano wavaita wabvumiranawo kuti vachinje zita rekuti MDC Renewal Team.

VaMangoma vakanyorera mutungamiri weMDC-T, VaMorgan Tsvangirai, tsamba gore rapera vachivapomera mhosva yekuita zvinhu zvinosvibisa zita rebato, kusanganisira nyaya dzavo nemadzimai, idzo dzaitaurwa mumapepa.

VaMangoma vakakurudzira VaTsvangirai kuti vasiye basa sezvo maitiro avo akanga osiya chimiro chebato chisina kunaka..

XS
SM
MD
LG