Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzoti Amai Mugabe Vachine Mukaka paMhuno Mune Zvematongerwo eNyika


Amai Grace Mugabe
Amai Grace Mugabe

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika inoti kugedageda kwemeno muZanu PF kuri kukonzerwa nemunhu asina hunyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika.

Vachitaura pamusoro pezviri kuitwa nemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, avo vakonzeresa mutauro mubato iri zvisati zvamboonekwa kubva nyika yawana kuzvitonga, nyanzvi mune zvematongero enyika, VaChamu Madiridze, avo vari kuita zvidzidzo zveDoctor of Philosophy kuCape Town University mu South Africa, vanoti Amai Mugabe vari kuratidza kuti mwana mudiki munyaya dzematongerwo enyika.

VaMadiridze vanoti Amai Mugabe vanofanirwa kutaura zvine chiremera mukati kunyange kuvanhu vavanopikisana navo.

Nyanzvi iyi inotiwo kushaya hudzamu hweruzivo rwezvematongerwo enyika pana Amai Mugabe ndiko kwava kupa kuti bato iri riinde kumawere vachiti vanhu vanonyara Amai Mugabe semudzimai wemutungamiri wenyika.

VaMadiridze vanotiwo Amai Mugabe vachatadza kuremekedzwa nevanhu nekuti ivo havasi kuremekedzawo vakuru vakuru mubato nemuhurumende

Amai Mugabe vakatarisirwa kusangana nevatori venhau kupurazi ravo kuMazowe neChina.

Vari kutevera zviri kuitika muZanu PF vanotiwo, seshiri yava nemuririro wayo, Amai Mugabe vachashandisa zvakare mukana uyu kushoropodza mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joyce Mujuru, avo vavari kupomera mhosva yehuori uye vachiti vanofanirwa kusiya basa.

Studio7 yabata Amai Mujuru kuti tinzwe divi ravo asi vati vanga vari mumusangano. Amai Mujuru vavimbisawo kutifonera kana vapedza, asi havana kuita izvi.

Asi Amai Mujuru vari kuramba mhosva yavari kupomerwa uye vanoti vakasvitsa nyaya iyi kumagweta avo.

Mushure mekudzingwa mubato kana kumbomiswa basa kwevakawanda muZanu PF, vatsigiri vebato vanonzi vari muchikwata chinofungidzirwa kuti chinotungamirwa negurukota rezvemitemo, Va Emmerson Mnangagwa, vava kuti makurukota anosanganisira VaFrancis Nhema, VaDzikamai Mavhaire, VaKudakwashe Bhasikiti, nevamwe vavo vanofanirwa kusiya basa.

Amai Mugabe ndivo vari kutungamira hurongwa uhu sezvo vanhu vose vavari kutuka kana kudoma pamisangano yavari kuita, vari kubva vanzi nechikwata chaVaMnangagwa vaburitswe basa.

Chikwata chaVaMnangagwa chinonzi chine rutsigiro rwegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJonathan Moyo, avo vanonzi vari kushandisa mapepanhau ehurumende e Herald, Sunday Mail ne Chronicle pamwe nenhepfenyuro yeZBC mushora vose vanonzi vanotsigira Amai Mujuru.

Hurukuro naVa Chamu Madiridze
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG