Accessibility links

Breaking News

Rimwe Bhizinesi Robudirira muGweru Zvinhu Zvakaoma Munyika


Gweru Sign POst
Gweru Sign POst

Panuguva iyo mamiriro ezvehupfumi munyika achiramba achinetsa, makambani akawanda ari kuvhara uye mamwe haasi kunyatsoshanda nemazvo.

Asi pakati pematambudziko aya, imwe kambani yemuGweru inogadzira mbatya ndeimwe yemakambani mashoma munyika ari kuita zviri nani.

VaMichael Phiri murume ane makore makumi mashanu nerimwe ekuberekwa.

Mushure mekunge vashanda kwemakore anopfuura makumi maviri vari technician vachizoita maneja mune imwe kambani yehurumende, VaPhiri vakafunga kusiya basa mugore ra2004 kuti vatange kambani yavo yeMesclothing, iyo inogadzira maunifomu evana vechikoro, magauni anopfekwa nevanenge vapedza zvidzidzo zvepamusoro soro, pamwe nembatya dzemakambani akasiyana-siyana.

VaPhiri vanoti vakapiwa shungu dzekutanga kambani iyi nekuda kwemudzimai wavo uyo aifarira zvekusona uyewo nekuona mikana yaivepo yekuti vapinde mubhizimisi rezvekugadzira mbatya.

VaPhiri vakatanga kambani yavo apo hupfumi hwenyika hwange hwave kuramba huchiwondomoka kuzosvika mugore ra2008 apo mari yemunyika yakabva yashaya simba rekutenga zvachose.

Nekuda kwematambudziko aya, dai VaPhiri vaive mumwe munhu vaigona kusiya zvebhizimisi ravo. Asi nekuda kwekutenda kwavo muna Mwari kwakasimba, VaPhiri vakaramba vakashinga.

VaPhiri inhengo yeConfederation of Zimbabwe Industries pamwe ne Zimbabwe National Chamber of Commerce, uye vakambove mumwe wevatungamiri veZNCC munyika.

VaPhiri vanoti vanoda kugara vachidzidza zvinhu zvitsva pamusoro pekuti mabhizimisi anoshanda sei uye vanoti vanoedza pose pavanogona napo kuti vashandise dzidzo iyi.

Kunze kwechitendero chavo chechiKristu chakasimba, VaPhiri vanoti chimwe chinhu chinovabatsira kuti bhizimusi ravo rirambe richienda mberi inyaya yekukoshesa vatengi nekuvagadzirira zvinhu zvemhando yepamusoro inoita kuti vatengi ava vagutsikane.

VeMesclothing vanogadzira magauni anopfekwa nevanenge vapedza zvidzidzo zvepamusoro soro kuMidlands State University neMkoba Teachers' College uye vanogadzirawo maunifomu ezvikoro zvakadai seMidlands Christian College, Cecil John Rhodes Primary School, nezvimwe.

VaPhiri vanoti havakwanise kuti vataure kuti kambani yavo inoita mari yakawanda zvakadii pamwedzi kana pagore.

Asi vanoti apo kushanda kwemakambani munyika kwakaderera kubva pa zvikamu makumi mashanu nezvinomwe kubva muzana, mugore ra2012, kusvika pazvikamu makumi matatu nezvina kubva muzana mugore rapfuura, pari zvino kambani yavo iri kukwanisa kushanda kwezvikamu zvinosvika zana kubva muzana.

Amai Linnet Muvirimi ndivo mukuru anoona nezvemari nekufambiswa kwebasa paMesclothing. Amai Muvirimi vanoti pavakapinda basa mugore ra2009, kambani iyi yaive nevashandi makumi matatu. Asi iko zvino yave nevashandi vanosvika makumi masere.

Amai Muvirimi vanotiwo kutenda kuna Mwari pamwe nekukoshesa kugadzira mbatya dzemhando yepamusoro ndizvo zviri kuita kuti kambani iyi irambe ichishanda.

Mukuru anoona nezvekutengeswa kwezvinhu, Va Joshua Zinhema, vakatanga kushandira kambani yeMesclothing mugore ra2012 apo vaive negore vachangopedza zvidzidzo zvake paMSU.

Kunyange hazvo vachibvuma kuti kambani yavo iri kushanda zviri nani kana kuchitariswa mamiroro ezvehupfumi, VaPhiri vanoti hurumende inofanirwa kugadzirisa nekukasika mitemo inokwezva vanoda kusima mari munyika uyewo mitemo inobatsira vemabhizimisi madiki kuti agokwanisa kuramba achishanda.

VaPhiri vanotiwo rimwe dambudziko guru inyaya yembatya nezvimwe zvigadzirwa zvinopinzwa muno munyika zvotengeswa nemutengo uri pasi pasi kupfuura zvinhu zvinogadzirwa muno munyika.

VaPhiri vanobvumirana nedzimwe nyanzvi dzezvehupfumi dzinoti mabhizimisi madiki anogona kubatsira kuti hupfumi hwenyika husimukire.

Asi sezvinotaurwa nedzimwe nyanzvi idzi, izvi zvinokwanisa kuitika chete kana hurumende ikave nemitemo ine chekuita nezvehupfumi yakati tsvikiti.

Kana izvi zvikasaitwa nekukasika, makambani asara mashoma ari kushanda zvakanaka seyaVaPhiri, anogona kuvharawo sezvakaita mamwe akawanda munyika.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG